Varoyi kana makonzo: N’anga

PETER MURERI
PETER MURERI

NYANZVI dzezvechivanhu dzakapa mafungiro akasiyana pamusoro penyaya yemutumbi wemunhu unonzi wakazovigwa kuBuhera usisina dzimwe nhengo.

Vakafanobata chigaro chemukuru wesangano redzin’anga nemaporofita, reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti kudyiwa kwezvitunha kunogona kutsanangudzwa nepaviri zvichifambirana nekuti mutumbi wacho unenge wakachengetwa pai.

“Makonzo chaiwo kana dzimwe mhuka dzemusango dzinokwanisa kudya zvitunha, asi kana tave kutaura zvitunha zviri mumba, chinhu chingagodya chete makonzo kana kuri kuti chitunha chinenge chisina kuchengetwa nevanhu uyewo nekuti hamuna mwenje wekuvheneka. Hongu, varoyi variko zvakare inova nyaya yatisingagone kuramba,” vakadaro VaKandiyero.

Vanoti varoyi vanogona kudya nyama yemushakabvu mumba mune vanhu pasina anovaona.

“Mumba munogona kugara makonzo ayo anogona kudya chitunha asi kana pasina kumbova nenguva yekuti chitunha ichi chaisasiiwa choga, zviri pachena kuti chakadyiwa nevatakati,” vakadaro.

Mutevedzeri wemukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association, VaItai Bakasa, vanoti varoyi ndivo vakadya chitunha ichi.

“Varoyi vakadya mutumbi waamai ava, vanodya vanhu varimo hamuvaone kunyange mumba mukava nemwenje kana kuti masikati zuva rakacheka nyika,” vakadaro VaBakasa.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×