Vezvidzidzo zvekurima voshaya mabasa

SANGANO rinomiririra varimi reZimbabwe Commercial Farmers Union rinoti riri kushushikana zvikuru pamusoro pekushaya mikana kwevanenge vapedza zvidzidzo zvekurima kumakoreji kuti vataridze hunyanzvi hwavo mubasa iri.

Vachitaura pamusangano wekuzeya mazano ekuvandudza nyaya dzekurima munyika muno, mukuru weZFCU, VaJeremiah Tevera, vakati vadzidzi vari kuita zvidzidzo zvekurima vari kuzoshaya mabasa anoenderana nefundo yavo.

Vanoti vazhinji vacho vari kuzoita mabasa ekudzidzisa muzvikoro izvo zvisiri kusimudzira mabasa ekurima munyika.

“Zvinopisa tsitsi kuti vanhu vazhinji vari kupedza zvidzidzo zvavo vari kuzoshaya mukana wekuratidzira hunyanzvi hwavo. Vanhu ivavo ndivo vane mwongo wedzidzo asi vari kuzoita mabasa asinei nezvavakafundira,” vakadaro VaTevera.

Zvakadaro, vakamhura tsika inoitwa nevamwe vatungamiriri vematunhu akasiyana vakaita semasabhuku avo vakati vanogovera zvekurimisa zvinenge zvabva kuvakotsveri kuburikidza netsvete.

“Zvekurimisa zviri kubva kuvakotsveri ngazvigoverwe pajekerere, masimba ekugovera ngaaende mumawoko evanhu vanoziva zvekurima uye vari varimi kwete kuendesa kumasabhuku asingaite zvekurima nekuti ipapo ndipo panotangira huwori,” vakadaro VaTevera.

Vanoti zvakakoshawo kuti varimi vave neruzivo rwakazara pamusoro pemakondirakiti avanoita nemakambani anovabatsira nezvekurimisa.

Vachitaurawo pagungano iri, Mai Shamiso Mutambara vanova Regulatory Researcher and Analyst kusangano reUSAID/Zim-ACP vakati makambani anoona nezvekurima anofanira kuona kuti varimi vari kuwana pundutso mubasa ravo kwete kuvambunyikidza.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×