Varume 2 votongerwa kuuraya mutyairi wekombi

Peter Matika

KUTONGWA kwevarume vaviri, avo vari kupomerwa kuuraya mutyairi wekombi mushure mekunge vatadza kunzwisisana pamusoro pemari yekubhadhara pakufamba mugore ra2023, kwakatanga mudare guru reHigh Court kuBulawayo nemusi weChipiri svondo

rino.

Nkosilathi Sibanda (21) naLiberty Moyo (27), avo vose vanobva kuCowdray Park, vakamiswa pamberi pemutongi Justice Ngoni Nduna vachipomerwa mhosva yekukonzera kufa kwaSimbarashe Chabata.

Chabata aive nemakore 33 okuberekwa panguva yekufa kwake.

Muchuchisi, VaKudakwashe Jaravaza, vakaudza dare kuti nemusi wa28 Nyamavhuvhu muna2023 nenguva dza8 manheru, Sibanda naMoyo vakakwira kombi yaienda kuCowdray Park.

Vaviri ava vanonzi vakaramba kubhadhara mari yekombi iyo yaive US$1 zvakaita kuti vanetsane nakondakita wacho.

Dare rakaudzwa kuti izvi zvakaita kuti Chabata amise kombi achida kubatsira kondakita wake, Thulani Nyoni, mukutora mari iyi sezvo pakange paita kunetsana.

Asati aburuka kubva mukombi, Moyo anonzi akabva abaya Chabata nebanga pachipfuva kudivi rekuruboshwe uye nepachanza.

Izvi zvinonzi zvakaita kuti vamwe vanhu vaive mukombi iyi vadzike ndokubva vatiza nehupenyu hwavo. Moyo naSibanda vanonzi vakadzingirira Chabata uye ndokumubaya zvekare nebanga pachipfuva zvakaita kuti apunzike.

Vamwe vanhu vaive mukombi iyi vakazodzingirira vaviri ava asi ndokukwanisa kubata Moyo chete.

Amburenzi yakazosvika ndokutakura Chabata kuenda naye kuMpilo Central Hospital kunorapwa uko akazofira.

Kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi munguva pfupi iri kutevera apo vaviri ava vanotarisirwa kupihwa mukana wekuzvidzivirira kubva kumhosva yavari kupomerwa iyi.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *