‘Vasikana dzidzai Sainzi’

Malven Mugadzikwa

ZVIKORO zvinokurudzirwa kuwanisa vanasikana nevanakomana mikana yakaenzana muzvidzidzo zvavo – kunyanya zveSainzi nemasvomho – izvo zvinozoita kuti vakwikwidzane munyaya dzemabasa.

Kurudziro iyi yakapihwa naMai Kwadzanai Manungo, vanove chief director kuchikamu cheLearner Welfare Psychological Services and Special Needs Education kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari svondo rapera pamusangano wakaitwa neSAfAIDS muHarare.

Musangano uyu waive nechinangwa chekutsvaga nzira dzekuderedza nyaya dzekupihwa pamuviri kuvanasikana vachiri pachikoro uye kurwisa kutapurirwa HIV neAIDS.

Mai Manungo vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvikurudzire vanasikana kuita zvidzidzo zveSainzi sezvo veruzhinji vachifungidzira kuti ndezvevanakomana chete.

Vanoti vanasikana kana vakaita zvidzidzo zvinosanganisira Sainzi nemasvomhu zvinoita kuti vawane mikana yakaenzana nevanakomana munyaya dzemabasa mune remangwana.

Bazi ravo, vanodaro Mai Manungo, riri kutarisawo zvakanyanya nyaya dzekuti zvikoro zvapa vana mikana yaenzana munyaya dzezvavanoshandisa pakudzidza uye kuti vanasikana vanowaniswa nzvimbo dzechikoro pasina rusarura.

“Tiri kuti mwanasikana dzidza usazvidzora uchiti ndezvevanakomana. Zvidzidzo zveSainzi hazvina kugadzirirwa vakomana chete.

“Tsika nemagariro zvedu zviri kufambirana nenguva. Mazuvano hakuchina mabasa akamirira varume chete kana vakadzi chete.

“Tiri kushushikana sebazi kuti vanasikana – kunyanya vekusekondari – vari kusiira chikoro panzira nenyaya yekuti vanenge varoodzwa vasati vasvika zera,” vanodaro.

Mai Manungo vanoenderera mberi: “Tsvakurudzo inoratidza kuti vana ava vari kupihwa pamuviri nevarume vakuru, vamwe vane mazera anababa vavo chaivo vachinyengedzwa nemari. Kurudziro ndeyekuti mwanasikana dzidza usasarire shure uchiti ndezvevanakomana.”

Vanoti bazi ravo riri kushanda nesimba kubvisa tsika yekutarisira vanasikana pasi kubva kugwaro reEarly Childhood Development (ECD).

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *