Zvekuita nguva yekupisa

Malven Mugadzikwa

NYIKA yeZimbabwe yakatarisana nenguva yekupisa kwakanyanya pari zvino uye kupisa uku kuri kutarisirwa kuti kuchaenderera kusvika nemusi weSvondo 3 Zvita.

Kupisa uku kuri kufungidzirwa kuti kuchasvika pakati pe33 ne37 degrees Celsius.

Veruzhinji vanokwanisa kuzvichengetedza kubva mukupisa nenzira dzakasiyana, kusanganisira dzinotevera:

– Mumuviri munofanira kugara muine mvura yakawandisa. Veruzhinji vanokurudzirwa kuramba vachinwa mvura yakawandisa, kunyanya vana nevanhu vechikuru.

– Veruzhinji vanofanira kuderedza kushandira pamhene panenge paine zuva rakanyanya. Kana vachishandira pamhene, vanofanira kupfeka nguwani dzinodzivirira zuva.

– Veruzhinji vanofanira kurega kuenda panzvimbo dzekuti vanotsva nezuva zvakanyanya kuti vasanzwa kuneta-neta.

– Chero mhuka nezvipfuyo, zvinoda kugara zviine mvura mumuviri saka zviinofanira kugara dzichipihwa mvura yekunwa.

– Vana havafanire kusiiwa vakavharirwa mudzimotokari kana kuchipisa saizvozvi.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *