Vasikana vodzidziswa nezvekutevera

Abel Ndooka

SANGANO rakazvimirira rosimudzira utano hwevanasikana nekuvapa dzidziso pamusoro penguva yavo yekutevera kuburikidza nebhuku remakatuni rinonzi “Menstrupedia Comic – Shona, Dzidzo yekuenda kumwedzi kwemwanasikana”.

Bhuku iri – iro rakanyorwa kuburikidza nemushandirapamwe weVasikana Project, sangano reSister Accord neMenstrupedia yekuIndia – richaparurwa zviri pamutemo munguva inotevera pazuva rekucherechedza Menstrual Hygiene Day (28 Chivabvu).

Bhuku iri richange richiwanikwa muzvikoro, kunyanya zvekumaruwa.

Muhurukuro neKwayedza, Mai Zvisinei Dzapasi Mamutse, avo vanova muvambi uye executive director weVasikana Project, vanoti vanasikana vazhinji vanoshaiwa dzidziso yakazara pamusoro peshanduko inoitika mumiviri yavo apo vanoyaruka.

“Takaita mushandirapamwe neMenstrupedia India kunyora bhuku reChiShona rinodzidzisa vanasikana pamusoro penyaya dzekutevera.
“Vasikana vazhinji vanokura vasina dzidziso iyi nekuda kwezvikonzero zvakawanda. Saka isu ishuviro yedu kuti vazive kuti chii chinonzi kutevera, zvinotarisirwa kuitwa kana vakatanga kutevera uye vazive kuti hazvinyadzise,” vanodaro.

Sangano reVanasikana Project rinozivikanwa zvakare nekubatsira vanasikana vanotambura nemidziyo yekushandisa panguva yavo yekutevera.
“Kwemakore akawanda, tiri kubatsira tichipa masanitary pads kuvanasikana muzvikoro asi takaona kuti kupedza dambudziko iri kune nzira dzakasiyana. Saka takanyorawo bhuku rinopa dzidziso iro richazoshanda kubatsira vanasikana vakawanda kwemakore anotevera,” vanodaro Mai Mamutse.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×