‘Vatyairi vemakombi vasina zvitambi vawandisa’. . . ngapatorwe matanho akasimba

Ivan Zhakata

SANGANO rePassengers Association of Zimbabwe (PAZ) rinoti riri kushushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita vatyairi vemakombi vasina zvitambi izvo zviri kuisa hupenyu hwevafambi vakawanda parumananzombe.

National coordinator wePAZ, VaTafadzwa Goliati, vanoti maitiro akadai anotaridza kusakosheswa kuri kuitwa vafambi nevamwe vari mubhizimisi rekutakura vanhu.

“Tiri kuona kukura kuri kuita katsika kevamwe vane makombi avo vari kupinza basa vanhu vasina zvitambi kuti vatakure veruzhinji,” vanodaro.

“Kushaya hanya uku kunokanganisa kuchengetedzwa kwevafambi nevamwe vatyairi vanoshandisa migwagwa.

“Tiri kukurudzira vakuru vanoona nezvekufamba kwakanaka kwezvifambiso kuti vatore matanho nekukasika vanhu vakawanda vasati varasikirwa nehupenyu.”

Sangano iri rinoti vanhu vane hunyanzvi uye vane marezenisi chete ndivo vanofanira kubvumidzwa kutyaira motokari dzinotakura veruzhinji.

VaGoliati vanoti vatyairi vemakombi vakawanda vanotyaira vari kudivi risiri ravo vachipesana nedzimwe motokari izvo zvinopa mukana mukuru wekukonzera tsaona.

“Maitiro akadai haangoise vatyairi panjodzi chete, asi kuti nevanofamba netsoka nevanochovha mabhasikoro zvekare,” vanodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *