Munyori weKwayedza
VECHIDIKI vanodarika 1 000 avo vakapedza zvidzidzo kubva kumapoka maviri ekutanga echirongwa cheYouth Service in Zimbabwe Programme vachange vava kupinzwa mabasa mumapazi akasiyana-siyana pamwe nemakambani ari pasi peHurumende.
Mutungamiriri wenyika, President Mnangagwa vakaparura chirongwa cheYouth Service in Zimbabwe kwaMurehwa gore rapfuura.
Vachitaura kuvatori venhau mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri chino muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro – Dr Jenfan Muswere – vanoti chirongwa ichi chakanangana nekusimudzira raramo yevechidiki vanenge vawaniswa zvidzidzo zvemwedzi mitanhatu.
Vanoti vechidiki ava vachapinzwa mabasa mumapazi anosanganisira remauto, makambani ari pasi peHurumende uye nemuzvirongwa zvebudiriro yenyika.
Vamwe vakapedza zvidzidzo kubva kuboka rimwechete vari kudzidzira humwe hunyanzvi kuzvikoro zvepamusoro zvemabasa emawoko izvo zvakatekeshera nenyika yose.
“Chirongwa cheYouth Service in Zimbabwe, icho chakaparurwa nemutungamiri wenyika Dr Emmerson Mnangagwa munaChivabvu 2024, chiri kubatsira vechidiki vari muboka iri,” vanodaro Dr Muswere.
“Mapoka maviri ekutanga evadzidzi vanosvika 1 077 vakapedza zvidzidzo zvemwedzi mitanhatu vakatomirira kupinzwa mabasa muzvikoro zvepamusoro nemakoreji anotsigirwa neHurumende, kushanda mumapazi akadai seemauto, makambani ari pasi peHurumende uye nemuzvirongwa zvakakosha zvakaita sePresidential Solarisation Programme, Emergency Road Rehabilitation Programme nePresidential Borehole Drilling Scheme.
“Vamwe vakapedza zvidzidzo vakatonyoresa kuti vaenderere mberi nekusimudzira hunyanzvi hwavo kuzvikoro zvakasiyana zveVocational Training Centres munyika yose.
“Hurumende yakatora danho rekuti zvitupa zvemabasa zvezvidzidzo izvi zvikosheswe pakupihwa kwezvikwereti zvekusimudzira mabhizimusi nekutanga mabhizimusi kubva kuEmpower Bank,” vanodaro Dr Muswere.
Chirongwa cheYouth Service in Zimbabwe chine donzvo rekusimudzira pamwe nekudzidzisa vechidiki vane makore 18 – 35 ekuberekwa kwemwedzi mitanhatu vachiwaniswa hunyanzvi hwehupenyu, zvemabhizimusi neruzivo rwenyika nechinangwa chekusimudzira rudo nenyika pamwe nekuti vave vanhu vakarongeka vanokwanisa kuita mabasa anosimudzira raramo yeveruzhinji.
Chakavambwa muna2001, zvichitevera gwaro reNziramasanga Commission Report ra1999 iro raikurudzira kudzidziswa kwevechidiki.



