KWAYEDZA

Vaviri vakafira mumigodhi kuKwekwe

Kingstone Mapupu

VASHANDI vaviri vakafira mumigodhi yakasiyana apo vaiva pabasa nguva pfupi yadarika, anodaro mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe.

Tsaona idzi dzinonzi dzakaitika nomusi wa6 na7 Chikunguru paJesia Mine uye Globe and Phoenix Mine, kuKwekwe, gore rino ra2026.

Vakashaika ava ndiDecent Mpofu (38), wekuSimbi Park, kuRedCliff; uye Tribe Mativirira, wekwaMambo Chireya, kuGokwe.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nomusi wa6 Chikunguru, nenguva dza12 masikati, Mpofu aishandira pasi, paJesia Mine, kuKwekwe.

“Paaishanda kudaro, mavhu akabva amudhirikira, ndokumufushira. Mutumbi wake wakazofukunurwa nevamwe vaaishanda navo pamugodhi uyu, tsaona iyi ndokumhan’arwa kumapurisa,” vanodaro Insp Mahoko.

Mune imwewo nyaya yetsaona, Mativirira aishanda nevamwe vake vari pasi, paGlobe and Phoenix Mine, kuKwekwe, nomusi wa7 Chikunguru, nenguva dza11 mangwanani. Akatsvedza, ndokuwira mumwena, achibva afa.

“Mapurisa akazoshanyira migodhi iyi, mitumbi yevaviri ava ndokuburitswa ikaendeswa kumochari yeKwekwe Hospital, ichimirira kuongororwa navanachiremba nekuzoradzikwa nehama,” vanodaro Insp Mahoko.

“Mapurisa akakurudzira voruzhinji vanoita basa rezvicherwa kuti vatevedze zvose zvinodiwa pakuchengetedza upenyu nehutanho hwevashandi nguva dzose.”