Abel Ndooka
MUTUNGAMIRI weZimbabwe Netball Association (ZINA) — Leticia Chipandu — anoti sangano ravo rakanyorera kuSports and Recreation Commission (SRC) vachikumbira mvumo yekutanga kutamba nekuronga mitambo yenetball muno iyo yakamiswa pamwe nemimwe mitambo senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Vatambi venetball, kunyanya vanotambira zvikwata zvenyika zvemazera anoti Under-20, 23 nechevakuru chemaGems, vose vange vachikurudzirwa kuti vaite gadziriro dzavo vari kudzimba dzavo.
Achitaura neKwayedza svondo rino, Chipandu anoti sangano ravo rakanyorera kuSRC vachikumbira mvumo yekuti vachitanga kuronga mitambo yenetball.
“Takanyorera kuSRC tichivazivisa nezvehurongwa hwedu saka iye zvino takangomirira kunzwa kubva kwavari kuti todii, tofamba nenzira ipi.
“Asi tiri kupa kurudziro kuvasikana vedu, kunyanya vatakasarudza kuti vatambire zvikwata zvenyika, kuti ngavasavarairwe. Vari kudzimba dzavo ikoko kwavanenge vari ngavaite gadziriro dzavo vagare vakasimba nekuti tinogona kungopihwa mvumo chero zuva yekutanga kuronga mitambo,” anodaro Chipandu.
Gore rino, chikwata chemaUnder-20 chaifanira kuenda kuUganda muna Chivabvu kunorwira tikiti rekuenda kumitambo yeU-20 Netball World Cup iyo ichatambirwa kuFiji gore rinotevera muna Zvita.
Sangano reInternational Netball Federation rakanzura mitambo iyi yekurwira kuenda kumakwikwi aya ndokusarudza zvikwata zvitatu zvemuAfrica zvaive muTop three izvo zvichanomirira Africa kumitambo iyi. Zvikwata izvi zvinoti South Africa, Uganda neMalawi.
Chipandu anoti gore rinotevera muna Kubvumbi chikwata chemaGems chakashevedzwa kuzokwikwidza kumutambo weInvitational kuMorroco.
“Iye zvino kutaura chokwadi hatina zvatingakwanise kuronga nekuti zvinhu zvose zvakamira nekuda kweCovid-19. Zvese tiri kumirira kuona kuti gore rinotevera chirwere ichi chinenge chapera here. Kana chisina kupera zvinogona kutikanganisira hurongwa hwedu hose,” anodaro Chipandu.




