Abel Ndooka
MURAIRIDZI weFC Platinum — Norman Mapeza — anoti panguva ino haasi kuda kufunga zvekumberi mumutambo weCAF Champions League asi kuti anoda kurongera mitambo sekuuya kwainenge ichiita.
Murwendo rwekuenda kumapoka eCAF Champions League, FC Platinnum kana kuti Pure Platinum Play yakahwina mutambo wayo wekutanga wePreliminary round apo yakakunda Costa do Sol yekuMozambique 2-1 kuMozambique svondo radarika.
Zvikwata zviviri izvi zviri kusangana svondo rino musi weMugovera mumutambo wechipiri kunhandare yeNational Sports Stadium.
Pure Platinum Play kana ikakwanisa kuhwina mutambo uyu kana kuti ukapera uri mangange, inobva yabudirira kuenda ku1st round uko ichange yakamirirwa nechikwata chichahwina mumutambo uri pakati peSimba Sports Club yekuTanzania nePlateau United yekuNigeria.
Pari zvino, mumutambo wekutanga wezvikwata zviviri izvi Simba ndiyo iri kutungamira sezvo yakakunda Plateau United 1-0 pamusha payo kuNigeria.
Achitaura svondo rino ari muHarare umo chikwata chake chiri kuita gadziriro dzekusangana neCosta do Sol, Muchina wemajuzi, sezita remadunhurirwa raMapeza, anoti chikwata chake hachifanire kurivara nekuti mutambo uyu wakakosha zvikuru.
“Rwendo ruchiripo, vakomana vangu ndiri kuvaudza kuti havafanire kurivara vachifunga kuti zvatakahwina kuMozambique tichahwina muno zvekare. Hapana anoziva remangwana saka isu tofanira kushanda nesimba kuti tihwine mutambo uyu nekuti ndinoziva Costa do Sol ichatouya ichitobvira semoto ichida kuhwina,” anodaro.
Muchinda uyu pari zvino anoti chavari kunyanyofunga nezvacho sechikwata kupedza mutambo wemusi weMugovera vozofunga nezveunotevera.
Mapeza anoti haasi kunyanyoda kufunga kuti vachasvikepi mumutambo uyu (CAF Champions League).
“Moziva mumutambo uyu hatisi tega tinenge tichitamba asi une zvimwe zvikwata zvakawanda saka isu basa redu kuti tiwane zvibodzwa zvakawanda tigoona patinenge tasvika. Tikamhanya kuti tichasvika apa kana kuti apo zvinogona kuti kuvadzisa tikazotadza kusvika nekuti vamwe vanotaurisa vanenge vave kutaurisa.
“Saka isu chedu kubata basa chete mumitambo sekuuya kwainenge ichiita. Hatidi kutaura zvatisingazokwanise kuita. Ndipo tinozoti kukurumidza kumedza kutsenga uchada,” anodaro Mapeza.
Mapeza achangodzoka kuFC Platinum zvichitevera kusiya kwaakaita basa kuChippa United yekuSouth Africa uye anoti ari kufara nezvaari kuona kuchikwata chake.
“Svondo radarika, ndiro raive rekutanga ndadzoka kuFC Platinum, takangoshanda tese kwemazuva mana chete ndokubva tatoenda kuMozambique. Svondo rino, ndiro rakatoreba randashanda navo kwemazuva mashanu. Pandakabva hazvisi zvose zvandakasiya zviripo saka ndiri kudzidza uye ndichidzidzisa zvekare vatambi vatsva matambiro andinoda kuti vaite tihwine mitambo yedu.
“Mbichana mbichana vari kudzidza uye iniwo ndiri kudzidza kubva kwavari, ndinovimba tinokunda chete uye tinosvika kure tichishanda pamwe chete,” anodaro Mapeza.




