Vogadzirira kupanana zvematsenganzungu

Abel Ndooka

VATAMBI vetsiva vane chitsama votarisirwa kubandana mumutambo wePound for pound Knockout Covid Boxing Series uchatambwa nemusi wa5 Chikumi kuHarare Showgrounds.

Mutambo uyu uri kurongwa neDeltaforce Boxing iyo inotungamirirwa naClyde Musonda uye uchaona vatambi 16 vachirwa mumitambo misere.

Mutambo mukuru pazuva iri uchange uri waFreeman Mabvongwe uyo acharwira bhande reZimbabwe Welteright naPeterson Machinjike.

Clyde Musonda, anove zvakare murairidzi wevatambi vetsiva vazhinji, anoti mutambo uyu uchabatsira zvakanyanya sezvo vatambi vange vave nenguva ndefu vasingakwikwidze zvichitevera kumiswa kwakaitwa mitambo yose munaKurume gora rapera senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Anoti chishuvo chavo kuona vatambi vari kusimukira vachiwaniswa mikana yekukwikwidza nekugadzira mazita avo kuitira kuti vagonorwira mabhande akasiyana kunze kwenyika.

“Isu chishuwo chedu kuona vatambi vetsiva vachisimukira nekuwana mikana yekugadzira mazita avo. Nekuda kweCovid-19, mitambo yange yakamiswa uye vatambi hupenyu hwavo hwakakanganiswa zvikuru. Saka isu taronga mutambo weKnockout Covid, tinoda kuirwisa kuti ngaiende Covid-19 itisiye tiite mabasa edu atange tajaira hupenyu hwedu hudzokere pahwainge huri kare,” anodaro.

Mutambo wePound for pound knockout Covid boxing series ndewechipiri wetsiva kurongwa muno kubva mitambo payakapihwa mvumo yekunzi ichiitwa munyika.

“Tiri palockdown, taienda nevamwe vatambi kunze kunyika dzakaita seTanzania vachinokwikwidza ikoko, asi vange vari vashoma. Saka iye zvino vatambi vakawanda vave nemukana wekuzoenda kunorwira kunze kwenyika asi hunge vakatamba zvinonwisa mvura mitambo yatinovarongera muno,” anodaro Musonda.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×