
MHURI inoshanda pane rimwe purazi riri kuHeadlands, kuManicaland, iri kugara nechitunha chemwana chiri pasi pemubhedha mumba mushure mekufukunuriswa mutumbi wacho nemuridzi wepurazi achiti pavakaviga mwana uyu hapakodzere sezvo ari mafuro emombe.
Nyaya iyi yatova mudare raMambo Makoni, VaSimbai Cogen Gwasira (51), umo iri kutarisirwa kutanga neChishanu chino.
Muridzi wepurazi iri munhukadzi wechitema uyo asina kubatika nevatori venhau kusvika pakudhindwa kwenhau ino kuti ape divi rake munyaya iyi.
NeMuvhuro svondo rino, Kwayedza yakaenda kupurazi iri nemadzishe maviri ari pasi paMambo Makoni anoti Ishe Nyambiya, Mai Mary Nyambiya (63) naIshe Manyara, VaManyara Mupedziswa (74), avo vanoshushikana zvikuru nechiitiko ichi vachiti uku kutyora tsika dzechivanhu dzedunhu ravo.
Pakapinda vatori venhau mumba muri kuchengetwa mutumbi uyu nevabereki vemwana, wakawanikwa watowora zvekusara marangwanda nembatya bedzi. Raingova gutukutu kunhuhwa kwechitunha.
Vabereki vemwana ane mutumbi wekufukunurwa uyu — VaPeter Chakawora (30) nemudzimai wavo Mai Janet Chisunza (30) — vanoti vari kugara nemarangwanda emwana wavo mumba mushure mekunzi vamufukunure muguva nasapurazi uyo aiti vakamuviga panzvimbo isingabvumidzwe.
“Takamuviga musi wa26 Chivabvu 2015 apo takatanga tazivisa muridzi wepurazi akatibvumidza. Akazoti tifukunure isu tikatya kuzviita nekuziva kuti kutyora mutemo.
“Muridzi wepurazi uyu akazoenda nemadzimbuya matatu akanga amboviga mwana uyu vakanofukunura mutumbi wacho ndokuusiya pamusoro peguva,” vanodaro VaChakawora.
Mutumbi uyu unonzi wakafukunurwa musi wa27 Zvita ukagara mazuva maviri uri pamusoro pevhu repaguva usiri mubhokisi.
“Isu taziva kuti guva remwana raiva rafukunurwa, ndakaenda kuna amai ava (muridzi wepurazi) vakanditi vaizondiratidza kwekuti ndivige mutumbi wemwana wangu patsva. Ndakazoenda kumapurisa ekwaRusape kunomhan’ara ndikauya navo vakasvikoona mutumbi uyu. Vakanditi ndichengete mutumbi uyu kusvikira vadzoka.
“Ndakarindira mutumbi uyu kwemazuva maviri nehusiku huviri kudzimara ndaona vasina kudzoka.
“Ndipo pandakazotakura pepabhegi raiva raiswa mutumbi uyu ndikaenda nawo kumba ndikauisa pasi pemubhedha. Kusvika nhasi uno (Muvhuro svondo rino) ndakauchengeta uye rava zuva rechi7 tichigara nechitunha icho chava nemazuva mapfumbamwe chafukunurwa,” vanodaro VaChakawora.
Vanoenderera mberi vachiti: “Takangomirira kuti titaurirwe zvekuita nemadzishe emuno naMambo Makoni, kuti tizokwanisa kuvigazve mwana uyu sezvo nyaya iyi takaiendesa kudare ravo uko takanzi tizodzoka nemusi weChishanu (svondo rino).
“Asi inyaya inorwadza kuti tinogara nemunhu akafa mumba uyo anofanirwa kunge akavigwa.”
Mudzimai wavo, Mai Chisunza, vanoti zvinorwadza kuti vagare nemutumbi wemwana wavo mumba sezvo zviri kuramba zvichivafungisa dambudziko ravakaona.
“Izvozvi hope hadzibate ndichifunga mwana uyu. Pamusoro pekufirwa, tave kushungurudzwa kudai, dai zvagadziriswa mwana avigwazve,” vanodaro Mai Chisunza.
Imwewo mhuri yepapurazi iri inotiwo yakafukunura mutumbi wemwana wavo mucheche mushure mekuudzwa nemuridzi wepurazi vainge vamuviga kuhufuro hwemombe.
Clara Nhongo (20) anoti akaita pamuviri ndokusununguka mwana akabva ashaika uyo vakanoviga mupadhoku umo vakazonzi vafukunure vakaita sekudaro.
“Takanzi naamai varidzi vepurazi tifukunure mutumbi wemwana. Murume wangu, Bigboy Kamwara (25), akazoenda ndokunowana guva racho rafukunurwa kare nemunhu asingazivikanwe, mutumbi musisina. Akazongotora machira nembatya dzemwana dzaiva dzasara akanoviga patsva kurwizi,” anodaro Nhongo.
Ishe Nyambiya, avo vane dunhu rine purazi iri, vanoti kufukunura guva uye kugara nemutumbi wacho mumba hazvitenderwe pachivanhu.
Ishe Nyambiya vanoti: “Nyaya yekutanga, yemhuri ine mutumbi wakafukunurwa uyo wavari kugara nawo mumba, imhosva huru pachivanhu chedu.
“Amai vane mwana uyu vanogona kutadza kubereka mwana zvakare nezviri kuitika izvi.
“Tichasangana navo vose, iye muridzi wepurazi rino nemuRungu wavanoshanda naye pano. Vakatopihwa masamanisi ekuuya kudare neChishanu. Honai nyika yava nezvimina zvakawanda.”
Ishe Mupedziswa vanoti iyi imhosva huru yakaparwa iyo inoda kuti vanhu ava varipiswe.
“Tichanzwa zvichabuda kudare redu raMambo Makoni nemusi weChishanuchino. Asi chokwadi chiripo ndechekuti mwana uyu anofanirwa kuitirwa chivanhu chizere, kworipwa mombe nembudzi nekutenga bhokisi nefuko nevepapurazi rino,” vanodaro Ishe Manyara.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemuridzi wepurazi iri pakashanyirwa kuHeadlands sezvo ainge asipo uye nhamba dzenhare yake dzakashaikwa, kunyange nekuvashandi vepo.
Mambo Makoni vanoti havabvumire kuita kwakadai mudunhu ravo.
“Munyika medu hakuna tsika dzakadaro. Mutumbi wemunhu kana uchida kufukunurwa kunoziviswa vanamudzviti nevekubazi rezvinoitika munyika nevechivanhu, masvikiro, zvoitwa netsika chaidzo. Izvi zvakaitwa kumhura tsika dzedu. Ndakavapa masamanisi vose, ivo amai ava nemuRungu wavanoshanda naye,” vanodaro mambo ava.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringwa Kakohwa, vanoti nyaya iyi yaive isati yasvika kumahofisi avo, nekudaro vaida nguva yekumbotsvaga kuti yakafamba sei.



