Vogunun’una nekukwira kwemitengo yeyunifomu

ZVIKORO zvakavhurwa nemusi weChipiri svondo rino paine kunyunyuta kukuru kubva kuvamwe vabereki pamusoro pekukwira kwemitengo yemayunifomu emuchando pamwe nezvimwe zvinoshandiswa kuchikoro.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vabereki nevadzidzi avo vanoti mitengo yemayunifomu haifanire kukwira sezvo mari iri kunetsa kuwana mazuva ano.

“Zvinotishamisa kuti majuzi echikoro ayo aimboita US$8 kusvika pa$10 ave kuita $15 kusvika $20. Chinonetsa ndechekuti mari haiwanikwi mazuva ose, tingadai takaatenga munguva yekupisa nekuti akange achakaderera mitengo. Zvino nemwaka wechando uno, mitengo yabva yakwira samare,” vakadaro Mai Susan Mlambo vekuGlen View muguta reHarare.

Zvisinei, vamwe vatengesi vepanze, avo vakaramba kudurwa nemazita avo, vanoti iyi ndiyo nguva yavo yekuita mari.

“Isu takaruka nekuhodha majuzi akawanda. Takasona zvekare mayunifomu emuchando nekuti takangwarira bhizimusi. Majuzi ari kuita $8 pano panze apo vemuzvitoro vari kudhura zvekuda $15 kana $20 zvichienderana nekuti akakora sei. Matirauzi tiri kuita $10 asi vemuzvitoro vachiita $15 zvichienda mberi.

“Bhizimusi riri kutorwa nesu vakangwara nekuti tine mikana yekukurukura nevabereki tichivadzikisira sezvo tinonzwisisa mamiriro akaita zvinhu, mari iri kunetsa,” akadaro mumwe mutengesi wechikadzi aive akamira pamusuwo wechitoro chinotengesa shangu muHarare. Vabereki vane chitsama vakaonekwa nemusi weMuvhuro vari mushishi kutenga mayunifomu pamwe nekukwidza vana vavo mabhazi kuenda kuzvikoro zvemabhodhingi.

Mai Rosemary Kasango (33) vekuSunningdale 2, muHarare vanoti vanotenga mayunifomu evana vavo muzvitoro bedzi nekuti munowanikwa zvinhu zvakasimba.

“Mayunifomu anotengeswa panze ini handivimbe nawo, kunyangwe zvawo akachipa, nekuti anoswera achirohwa nezuva. Paunongoawacha anobva abvaruka. Zvekare haana marisiti saka mwana akatadza kuakwana unogona kudzoka uchishaya munhu wacho akakutengesera. Zvakachipa asi zvinodhura,” vakadaro.

Gore negore, vatengesi vepanze vanogara vakatosvorana zvekuita gonzo nachin’ai nevemuzvitoro apo vanoita makwikwi ekutorerana bhizimusi, zvikuru panguva dzinozarurwa zvikoro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×