Varimi vakatsotswa

MAPURISA ekuMashonaland East ari kutsvaga murume anofungidzirwa kuti akatsotsa varimi vekumaruwa ekuChimoyo, kwaMutoko achiti aizovawanisa mbeu yefodya nezvimwe zvekurimisa uyo aishanda pane imwe kambani yemuHarare.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti vari kutsvaga James Betserayi (44) uyo anobva masabhuku Takawira, kwaShe Nembudziya, kuGokwe. Besterayi aishanda pakambani inonzi Clatser Agricultural Development muHarare.

Murume uyu anonzi kubva musi waGunyana 1 kusvika Mbudzi 30 gore ra2014, akaenda kwaSabhuku Karidza, kwaShe Chimoyo ndokunonyepera varimi kuti aikwanisa kuvawanisa mbeu yefodya uyewo nekuzotenga fodya yavaizorima.

Insp Muzondo vanoti Betserayi akazoti murimi woga-woga anoda kuva nhengo muchirongwa ichi aifanirwa kubvisa US$20 izvo vazhinji vakaita.

Mari yakatorerwa varimi ava inonzi yakasvika kuUS$2 360 apo vainyorwa mazita vachinzi mbeu yavo yefodya yaizouya nezvimwe zvekurimisa kuti vazokwanisa kutanga chirongwa ichi.

Murume uyu akabva atiza nemari iyi ndokuenda kusina anoziva.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa epakamba yekwaMakosa ikabva yatanga kuferefetwa uye ine nhamba dzemhosva dzinoti CR-05/03/2015.

Pakuferefetwa kuri kuitwa nyaya iyi, pane mashoko anoti Betserayi anowanikwa kudzimba dzemaNew Stands panhamba 2319 paMurehwa Centre.

Mudzimai wake anonzi Patience Madamure uyo anonzi anoti haasi kuziva kune murume wake.

Kune vanoziva kune murume uyu vanokurudzirwa kuridza nhare panhamba dzinoti 0773 553 148 kana kutaurira mapurisa ari padyo.

Zvakadaro, sezvo kuine varimi vakawanda vari kuda kupinda munyaya dzekurima fodya, makoronyera anonzi ari kufamba achitsotsa varimi kumatunhu akasiyana vachivanyepera kuti vanovawanisa zvekurimisa vanovabvisisa mari dzekuva nhengo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti varimi vanofanirwa kumhan’ara nyaya dzemakoronyera akadai nenguva uye vorega kungovimba nevanhu vose-vose vanosvika kumatunhu avo vachiti vanokwanisa kuvabatsira.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×