Vokusakura nekuzunza kumisika yefodya

MWAKA wekutengeswa kwefodya uchaguma svondo rino nemusi weChishanu (27 Chikumi), unova wakakurumidza kupera zvikuru kana zvichienzaniswa negore rakapera.
Zvakadaro, kusvika musi weChishanu svondo rakapera, fodya yaiva yatengeswa yaikwana makgs 194 miriyoni ichikosha US$619 miriyoni. Panguva imwe chete iyi mwaka wapera, kwaiva kwatengeswa makgs 147 miriyoni aikosha US$543 miriyoni.

Mukuru wesangano reTobacco Industry Marketing Board (TIMB), Dr Andrew Matibiri, vakazivisa nezvekuguma kwemwaka wekutengesa uyu svondo rapera.

“Mwaka wedu wefodya wa2014 uchaguma nemusi wa27 Chikumi apo misika yedu mitatu inosanganisira Boka Tobacco Auction Floors (BTF), Premier Tobacco Floors (PTF), neTobacco Sales Floor (TSF) ichapedzisa kutenga fodya kubva kuvarimi,” vakadaro.

Vanoti mwaka wekutengeswa kwefodya uyu wakurumidza kupera zvikuru nekuda kwefodya shoma yave kuunzwa nevarimi kumisika.

“Yambirio yedu huru kuvarimi ndeyekuti vaunze fodya yavo yekugumisira nemusi weChishanu iyo inozotengeswa neChishanu chinotevera tobva tavhara misika yedu asi kutengeswa kwefodya kwekutsvaira misika yedu, mop up sale, kuchazoitwa nemusi weChipiri,  Chikunguru 15, nekudaro tinoda kuti varimi vedu vanzwisise nyaya iyi zvizere,” vakadaro.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×