Vokweshana mumakwikwi edstv

VANA vechikoro vari kukurudzirwa kuti vakoshese rurimi rwaamai pamwe nekutora mukana wekusimudzira dzidzo yavo kuburikidza nezvirongwa zvefundo zvakasiyana izvo zvinobuditswa paterevhizheni.
Kurudziro iyi yakaitwa nevatauri vakasiyana-siyana kuvana vechikoro vakange vakaungana kumuzinda wekambani huru inodhinda mapepanhau, yeZimpapers, muHarare svondo rapera apo paiparurwa makwikwi eDStv EUTELSAT Star Awards.

Pasi pemakwikwi aya, ayo ari kutsigirwa nekambani yeMulti Choice Zimbabwe, vana vachakwikwidzana pakunyora nyaya apo vachakunda vamwe vachapihwa mibairo pamwe neyezvikoro zvavo. Shasha yevana ava ichakwidzwa ndege yakananga kunyika yeFrance.

Achitaura pachiitiko ichi, Multi Choice Zimbabwe publicity manager, Lizzy Dziva, akati vana vechikoro vanokwanisa kudzidza zvakawanda zvinoenderana nefundo yavo pazvirongwa zvinobuditswa paterevhizheni.

“Pachivhitivhiti panowanikwa zvirongwa zvezvidzidzo zvakasiyana-siyana zvakaita seGeography, Science, Mathematics nemitambo.

“Tinokukurudzirai kuona zvirongwa izvi,” akadaro Dziva.

“Ngatiratidzei vedzimwe nyika kuti Zimbabwe ine vanhu vakarodzeka pfungwa, hatisi kudzokera shure munyaya dzefundo,” akadaro Dziva.

Mupepeti weKwayedza, Patrick Shamba, akati vana vechikoro vanofanira kudada nekushandisa rurimi rwaamai.
“Rurimi rwamai rwakakosha chaizvo, rwunoratidza zvatiri uye zvichitsigirwa nebumbiro remutemo wenyika idzva iro rinoti tinofanira kukoshesa mitauro yedu.

“Vana vechikoro tinokukurudzirai kuti muverenge bepanhau reKwayedza sezvo riine chikamu cheDenhe Reruzivo, umo munodzidziswa chiShona netsika dzakanaka,” akadaro Shamba.

Achitaurawo pachiitiko ichi, mutevedzeri wemupepeti weH-Metro, Charles Mushinga, uyo anova zvakare anoongorora chikamu cheBridge muThe Sunday Mail, akakurudzira vana vechikoro kuti vanyore nyaya dzavo muchidimbu vachiunza kumapepanhau.

“Mose makasununguka kuunza nyaya dzenyu kumapepanhau zvakare izvi zvinokubatsirai kuva nyanzvi nekupawo vamwe vechidiki shungu dzekunyora,” akadaro Mushinga.

Munyori wemabhuku ane mukurumbira, Ignatius Mabasa, uyozve anoongorora nhetembo dzevana dzinobuda muKwayedza, akati:

“Nechirongwa chemaunzirwa neDStv ichi, munofanira kushandisa mikana iyi nekuti zvinokusimudzirai mukunyora pamwe nekurodza pfungwa.

“Fambiranai nenguva, munofanira kugara muchiziva zvinoitika zvose zvakakutenderedzai nekushandisa makombiyuta.

“Ivai netsika yekuti pose pamuri mukanzi titaurire nyaya munoita zvekurudunuka neruzivo.”

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×