SHASHA dzevechidiki mukugadzira zvinhu zvakasiyana zvinovandudza raramo yeveruzhinji dzichaenda kunomirira Zimbabwe kumakwikwi ezvigadzirwa achaitwa kuNew York munguva pfupi iri kutevera.
Vechidiki ava vari kutsigirwa nesangano reWorld Merit Zimbabwe, iro rinoshanda nezvikoro zvakasiyana zvinosangansira Roosevelt Girls High neTrust Academy mukusimudzira matarenda evana.
Takudzwa Chinotungamira (22), uyo anove Country Council Marketing Officer wesangano iri anoti rakavambwa gore rapera nedonzvo rekusimudzira vechidiki mukuita mabhindauko anovandudza upenyu hwavo neupfumi hwenyika.
“Chinangwa chedu ndechekuti vechidiki vasawanikwa vakagara vasina zvekuita, uye inzira yekumutsa mabasa kune vechidiki. Tinoitawo mabhindauko akasiyana takabatana nerimwe sangano rinonzi Youth Advocate pamwe nezvikoro zvinosanganisira Roosevelt Girls High neTrust Academy,” anodaro Chinotungamira .
“Vari kuenda kunomirira Zimbabwe kuNew York ndevanoti Christian Mudiwa uyo akagadzira muchina wekuchenesa mvura, Takudzwa Chinotungamira naMercy Chatyoka (28) avo vakaita tsvakiridzo yenzira dzakareruka dzekuti munhu akwanise kurarama nezvaanowana munharaunda yaanogara. Vamwe ndevanoti Kelvin Mawarire (22) uyo akaita tsvakirudzo yekusimudzira upfumi hwenyika naAnoziva Marindire akaita ongororo yedzimwe mbesa dzinogona kurimwa kumatunhu asinganaye mvura zvakanaka,” anodaro.
Anoti makwikwi ezviratidzwa aya achaitwa kubva musi wa 27 Nyamavhuvhu kusvika 11 Gunyana kuNew York.




