Akagumbuka anovigira vana magumbeze

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUMWE mukadzi akachema-chema mudare redzimhosva achiti murume wake ane katsika kekuti kana vapopotedzana anotora magumbeze evana oaviga pamusoro pewadhiropu zvinozoita kuti varare vachigwagwadza nechando.

Precious Chipfurutse akamhan’arira Willard Tumbare kuHarare Civil Court achiti: “Ini zvekugara ndichiita kunge muranda pamba pangu handichazvikwanisi.

“Ndinorohwa nababa ava, kunyanya vakandiona ndakamira nemumwe murume vanofamba vachishambadza kuti ndiri pfambi yemakoko asi ndivo vasingatogare pamba.

“Zvimwe zvezvinhu zvinoitika kumba kwedu inyaya yemabatirwo anoitwa vana vangu. Mumwe musi vana vakatadza kurara murume uyu avatorera magumbeze ndokunoarongedza pamusoro pewadhiropu.

“Ndakazomuka ndikarara ndakagara ndakabereka mumwe mwana mudiki ane makore manomwe. Kutaura kuno ndakabva pamba apa mushure mekunge ndaona kuti zvinhu zvave kutonyanya kushata. Vapedza kuita mabasa akashata kudaro, vanouya kwandiri vachida kundimanikidza bonde asi ini ndinozviramba.”

Tumbare akaramba zvakanga zvataurwa achiti hapana chaasingaitire vana vake kubva pakuvapa chikafu kusvika pakuvabhadharira mari yechikoro.

“Mukadzi uyu anondinyepera. Kana vari vana ndinochengeta. Nyaya yaasiri kunyatsotaura kunetsana kwatinoita haachadi kuita bonde neni. Akandiona ndine vakadzi vepamusika anobva atanga kundipopotera achiti ndava kuita zvechipfambi asi chokwadi chiripo ndechekuti haadi kurara neni.

“Ndakamuti kana pane zvaari kutya akasununguka kuti tiende kunoongororwa ropa asi akazviramba kureva kuti iye ndiye ane zvaari kuvanza.

“Panyaya yevana vakarara vasina kufuga zuva raataura ndakange ndamutsiura kuti sei akange auya kumba kwadoka ndokubva andinyararira.

“Pamusoro pazvo, kubva kumba kwaakaita akanga aita makuhwa pamusoro pevaridzi vemba saka vakabva vati havadi kumuona ari pamba apa,” akadaro.

Mutongi Barbra Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Chipfurutse ndokuti vaviri ava vanofanira kugarisana zvakanaka semurume nemukadzi.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×