Vorwisa chirwere cheshuga

Munyori weKwayedza

SANGANO reZimbabwe Diabetes Association neMugovera uno richaita chirongwa chekufamba chinodaidzwa kuti Diabetes Awareness Walkathon kuAlexadra Sports Club, muHarare, nechinangwa chekutsvaga mari yekurwisa chirwere cheshuga pamwe nekucherechedza zuva reWorld Diabetes Day.

Mwedzi waMbudzi pasi rose unocherechedzwa sewekurwiswa chirwere cheshuga icho chiri kutambudza vanhu vakawanda.

Chirongwa chekufamba ichi chiri kutsigirwa nesangano iri rakabatana neLions Club of Harare.

Veruzhinji vachange vachiongororwa pachena chirwere cheshuga kuAlexadra Sports Club musi wa19 Mbudzi nekuChinhoyi musi wa26 Mbudzi.

Svondo rapera pamberi, sangano reZimbabwe Diabetes Association rakabatana nekambani huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers, muchirongwa chekufamba chinodaidzwa kuti Cancer Walk nedonzvo rekupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pechirwere chegomarara.

Chirwere chegomarara chiri kutambudza vanhu vazhinji muZimbabwe pamwe nekutora upenyu hwevakawanda.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *