Votambura netsvina yepamharadzano

Kingstone Mapupu

VAGARI vekunzvimbo yeKomboni Yatsva, kuEpworth, vanoti vari kufuma mangwanani oga-oga vachiona mikonde yetsvina yevanhu inenge iri pamharadzano izvo zvavanofungira kuti zvine chekuita nekushandiswa kwemishonga yakaipa.

VaJoramu Ziki (40) — avo vanova mutevedzeri wasachigaro wenzvimbo iyi — vanoti nyaya iyi yavanetsa zvikuru sezvo vasiri kuziva ari kuita izvi.

“Tasvitsa mwedzi mishanu kubva munaGunyana wegore rakapera tichingofumoona mikonde yetsvina yevanhu yakaitirwa pamharadzano inongova chinhambwe chishoma kubva padzimba dzevanhu. Tinofunga kuti zviri kuitwa nevanhu kana munhu ane chekuita nemishonga yekupfuma nekukanganisa vamwe vanhu,” vanodaro VaZiki.

Tsvina iyi vanoti inoitwa panzvimbo ina dzakakomberedza mhararano.

“Mamwe mazuva tinoona yemanyoka yakaitwa chidenderedzwa. Tave kufunga zvekuitawo zvechivanhu kuti tikuvadze munhu uyu kana kuti asvuuke. Vanhu tave kutotya kudarika nepanzvimbo iyi nekuda kwezviri kuitika izvi,” vanodaro VaZiki.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Mirriam Ndabambi Ziki (40) vane pamba pakavambirana nemharadzano inoitirwa tsvina iyi vachiti vanofushira tsvina iyi nevhu zuva roga-roga.
“Tinomborongana sevagari vemunzvimbo ino tichigarira takahwandira mudzimba kuti tione ari kuita tsvina iyi. Asi, patinongodaro bedzi, musi wacho mashura aya haaitike, ndinofunga anonyumwa uye anofanirwa kunge aine musoro wegora,” vanodaro Mai Ziki.

Vanoti rimwe zuva munhu uyu akasvikoita mikonde mina yetsvina, ndokuisa mbwanana yakafa pakati petsvina iyi.
VaHappymore Mutimwii (46), avo vanova munyori wakanzura weWard 1, vanoti nyaya iyi yavatemesa misoro.
“Tashungurudzwa nenyaya yetsvina iyi, uhwu huroyi huri pachena,” vanodaro VaMutimwii.
Vanoti vakasvitsa nyaya iyi kumapurisa kuti vabatsirwe nemapurisa emumisha eNeighbourhood Watch Committee kubata vari kuita izvi.

“Tine mapurisa emumisha ari kufamba husiku kuchengetedza nzvimbo ino vachibata mbavha nekusunga vanoita zvechipfambi,” vanodaro VaMutimwii.

“Ivava ndivo vamwe vari kutibatsira,” vanodaro.

VaNomore Gatsi (38) vanoti vane fungidziro huru yekuti munhu ari kuita izvi akaromba mishonga yekutsvaga kupfuma.

Kuchiti Mai Edith Banda (31) vanotiwo nyaya iyi inofanirwa kugadziriswa nekukasika.

“Tave kukumbira kuvakuru vemuno kuti vatore matanho, kana kuchiunzwa maporofita nen’anga vatibatsirewo pasina munhu afa kana kukuvadzwa nemishonga iyi,” vanodaro Mai Banda.

Mai Betty Mavura (37) vanokurudzira vatungamiri venzvimbo iyi kuti vashevedze nyanzvi dzekuZinatha kuti dzivabatsire.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti kuitwa kwetsvina yemunhu pamharadzano kunoenderana nemabasa ehuroyi.

VaKandiyero

“Aya mabasa ehuroyi, vanhu ava ngavasatsvaire tsvina iyi sezvo vanogona kutora minyama isingaperi nekuti tsvina inofambirana neminyama,” vanodaro VaKandiyero.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×