Votenga mapepa neEcoCash Ta!

VATENGI vemapepanhau anodhindwa nekambani yeZimpapers Group vave kukwanisa kutenga mapepa aya vachishandisa nharembozha dzavo pasi pechirongwa cheEcoCash Ta!Chirongwa ichi chinotarisirwa kurerutsira vatengi vemapepanhau zvikuru zvichitevera kunetsa kuri kuita kuwana mari munyika.

Vachitaura svondo rapera paikumikidzwa nekudzidzisa vatengesi veZimpapers nezvechirongwa ichi, Zimpapers Harare Branch general manager, VaSamuel Bepe, vanoti vatengesi vamapepa vanofanira kufambirana neruzivo rwechizvino-zvino urwu.

“Munofanira kutambira ruzivo rwechizvino-zvino urwu mukushanda kwenyu. Zvinhu zviri kusanduka nguva nenguva uye zvinobatsira zvikuru munguva ino yekunetsa kwemari,” vanodaro.

General manager weEcoCash, Natalie Jabangwe-Morris, anoti kuburikidza neEcoCash Ta, vatengi nevatengesi vemapepanhau vacharerukirwa zvikuru.

“EcoCash Tap and Go haina zviya zvekuti tinombobaya *151*200#, inoshandisa ruzivo rwunonzi Nearfiled Communication apo kasitoma inogumisa nharembozha yayo pakanhare kanenge kaine mutengesi zvichiita kuti mari inge ichibva muEcoCash wallet yemutengi ichienda kumutengesi pekare-pekare izvo zvinongotora masekonzi matatu chete.

“Hapana pini nhamba inodiwa kana uchitenga zvinhu zvinokosha zvakaita seUS$3 asi kana zvichidarika US$1 000 panenge pave kudiwa pini nhamba,” anodaro.

Vatengesi vane chitsama veZimpapers vakatotanga kushandisa ruzivo urwu uye vanoti zviri kuvafambira.

Zvakadai, vemabhizimusi akadai semabhucha, zvitoro nepamatoll gates vane mikana yekushandisa Ecocash Ta zviri nyore.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *