Otambiswa nhova nemukadzi

Akabuda anodzoka paadiral

Osvikopaza magonhi emba

Uku osvikondirova chaizvo

Trymore Muvhawa

MURUME wekuti anogara achikinditswa nemudzimai wake uyo anopaza magonhi kana iye aramba kumuvhurira kuti apinde mumba pakati pehusiku mushure mekunge apedza mazuva asipo, akatozopotera kudare redzimhosva.Elvis Chuma akaendesa mudzimai wake Chenai Rupiya kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa ndondo.

Chuma akaudza mutongi wedare iri Yeukai Dzuda kuti: “Mambo wangu, ndatambiswa chamutengure nemudzimai wangu uyu. Anogarondirova uye kunditukirira zvinondishaisa mufaro. Nguva zhinji haarare pamba kana akadzoka, anogona kuuya pakati pehusiku uye ndikaramba kumuvhurira goni anoita rekupwanya obva atotanga kundirova.

“Kutaura kuno pamba pedu hapana kuchengetedzeka nekuti akapaza magonhi ose.”

Akati nguva pfupi yadarika, mudzima wake akasungwa nemapurisa mushure mekunge amumhan’arira apo akamuzvambaradza.

“Munguva shoma yadarika, akange ari muhusungwa nenyaya yekundirova kwaakanga aita. Chikumbiro changu kudare ndechekuti mudzimai wangu asandirove, asiyane nekupaza magoni, asarare asipo uye kudzoka kumba nenguva,” akadaro Chuma.

Achipawo divi rake, Rupiya akaudza dare kuti haarove Chuma asi kuti vanenge vachirwa, ndokutenderana nemashoko ekuti anopaza magoni.

“Hongu, magoni ndakapaza sematauriro aari kuita. Asi pakumurova handipindirane napo nekuti tinenge tichirwa. Semurume nemukadzi, tinotukana kana tatadza kuwirirana,” akadaro Rupiya.

Mutongi Dzuda akapa Chuma gwaro redziviriro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *