SANGANO rinoona nezveutano, reHealthline, rinoti madzimai akawanda munyika dzichiri kusimukira vanofarira kutora zvinodhaka zvakaita sedoro kana kuputa fodya zvisinei nekuti vanenge vakazvitakura zvinova zvine njodzi kuutano hwavo pamwe nehwemwana ari mudumbu.
Kutora zvinodhaka kwakaipirei?
— Nyanzvi dzinoona nezveutano dzakaita ongororo maringe nenyaya iyi dzikaona kuti mamwe madzimai anonwa doro kana kutora zvinodhaka akazvitakura anozvara vana vanenge vakarasika njere (fetal alcohol syndrome).
— Kudya kwose kunotorwa nemudzimai panguva iyo anenge akazvitakura kunoendawo kumwana nekudaro kana huri hwahwa hunoitawo kuti mwana iyeye adhakwe achiri mudumbu uye anogona kuzvarwa aine zviratidzo zvechidhakwa.
— Zvitaridzo zvevana vanenge vakanwiswa doro vachiri mudumbu zvinogona kunge zvakanyanya kana kuti zvakaderera zvichienderana nehudzanhu hwekunwa doro hunenge hwakaitwa naamai panguva yavainge vakazvitakura.
— Zviratidzo izvi zvinogona kubvira pakushaya hunhu, kuremara kana kukundikana kubudirira mudzidzo nezvimwe zvakawanda.
— Vanhu vanobatwa ne”fetal alcohol syndrome” vanogona kuita matambudziko ekusaona, kunzwa, kutondera, kuterera kana kutaura zvakanaka uye zvimwe zviratidzo izvi zvinogona kuvepo kweupenyu hwose.
Zvinokonzera fetal alcohol syndrome:
— Kana mudzimai akazvitakura akanwa doro panguva iyi zviri nyore kuti ringe richiendawo kumwana kuburikidza nechevakuru (placenta).
— Nekuda kwekudupuka kwemuviri wekasvava, muviri wako hauzokwanisa kugaya doro zvakanaka nokudaro rinowanikwa rave kukanganisa mafambiro akanaka emweya wekufema unova wakakosha kuti kamwana kange kachirarama nekuderedza zvakare kudya kunovaka muviri uko kunoita kuti mwana akure zvakanaka.
— Mamwe madzimai anogona kutora zvinodhaka asati ave kuziva kuti ave nepamuviri zvichikanganisa utano hwavo nehwemwana.
— Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano inoratidza kuti kutora doro kwemadzimai akazvitakura kwakanyanya kuipa zvikuru pamwedzi mitatu yekutanga yekubata pamuviri. Zviratidzo zvevana vakakanganiswa nezvinodhaka:
— Mwana anogona kuzvarwa aine musoro mudiki kwazvo.
— Kuremara kwenhengo dzekumeso pamwe nekutetepa kwemuromo uye kuve netwumaziso twudiki.
— Kupfupika kwakanyanya nekuve nehuremu hushoma.
— Kusagadzikana kwekacheche kachiita sekane simba rakawanda.
— Kusave negwara kana kuti kuve nemisikanzwa isingaenderani nezera remwana.
— Kukundikana kutaura zvakanaka nekurasika njere.
— Mwana anogona kuita dambudziko remoyo kana reitsvo.
— Kuremara makumbo nemawoko nekukasika kugumbuka.
Zvingaitwe kudambudziko iri:
— Zvakakosha kuti mwana ange achiongororwa nemachiremba nekukasika kana achinge aine zvitaridzo zviri pamusoro.
— Zvakakoshazve kuti amai vanenge vakanwa doro panguva yavakange vakazvitakura vadure izvi kuna chiremba kuitira kuti mwana abatsirwe.
Chirwere ichi chinorapika here?
— Zvisinei nekuti hazvisi nyore kuti zviratidzo izvi zvipere, zvakakosha kuti mwana abatsirwe nekukasika.
— Mwana anogona kuendeswa kuchikoro chinoenderana nehudzamhu hwekuremara kana mashandiro enjere dzake (special education). Semuenzaniso, kune machiremba nyanzvi mukubatsira vana vanenge vari kukundikana kutaura zvakanaka (speech therapist).
— Vana vane matambudziko aya vanobatsirikana kana vachinge vachichengetwa mumisha ine vanhu vane rudo uye ine runyararo.
— Vana vakadai vane mikana mukuru yekuzotora zvinodhaka pavanokura uye kuve vanhu vanofarira kuita zvemhirizhonga.
— Kune mishonga inogona kupihwa vana ava kuti vange vachigadzikana mupfungwa.
Zvichakadai, South Africa ndiyo inonzi iri pamberi panyaya dzevana vanozvarwa vaine matambudziko anokonzerwa nekutora zvidhodhaka kwemadzimai anenge akazvitakura uye nguva yadarika yakapemberera zuva reFetal Sydrome Day.




