Wanzai maticha eVenda: Mambo

Thupeyo Muleya ari kuBeitbridge

MUKURU wemadzishe (paramount chief) kuBeitbridge East, Mambo Stauze – VaDavid Mbedzi – vanoti vanoshushikana zvikuru nekushomeka kwevarairdzi veChiVenda mudunhu ravo vachiti izvi zviri kukanganisa kupasa kwevana vepuraimari muzvikoro zveko.

Vanoti zvakakosha kuti vana vepuraimari vadzidziswe pachishandiswa rurimi rwaamai.

KuBeitbridge district kune zvikoro zvinodarika 15 zvepuraimari uye zvakawanda zvinodzidzisa Ndebele nekuda kwekushomeka kwevarairidzi veVenda. Venda ndiwo mutauro unonyanyoshandiswa neveruzhinji mudunhu iri uyewo mimwe mitauro yeko iShangani neSotho.

Mambo Stauze vanoti Hurumende inofanira kudzidzisa maticha akawanda vane ruzivo rwemimwe mitauro kunze kweNdebele neShona chete sezviri mubumbiro remutemo weZimbabwe.

“Tine dambudziko guru mudunhu rino sezvo tiine varairidzi vashoma vanokwanisa kudzidzisa vana vachishandisa mitauro yemuno,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mamiriro ezvinhu aya ari kuita kuti vana vedu vadofore zvikuru mumazamanishoni emitauro zvichivashaisa mikana yekuenda kunodzidza kune zvimwe zvikoro zvakanaka, izvo zvakawanda zvacho zvinosarudza vana nemapasiro avanenge vakaita.

“Izvi zvakare zviri kuita kuti vana vedu vaomerwe kana vachinge vave kukwikwidzana nevekune mamwe matunhu munyaya dzedzidzo.

“Tine vanhu mudunhu redu vanokwanisa kunodzidzira huticha uye chinongodiwa chete rutsigiro kuburikidza nekuita kosi yacho nekuzoita kuti pavanenge voshanda voshandira mudunhu redu.

“Zvakakoshawo kuti pave nekumuka kwemabasa mudunhu rino, zvikuru muchikamu chezvedzidzo.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *