Wiese opinda muwrestling

AIMBOVE mubati wepagedhi wenyika yeGermany, Tim Wiese (34), akapihwa kondirakiti neWWE kuti ange achikwikwidza mumutambo wewrestling.

Wiese, uyo akakwanisa kutambira Germany ka13, akasendeka migirovhosi ake mugore ra2014 ndokutanga kugadzirira kuti agove mutambi wewrestling. Muchinda uyu ave pedyo nekuzadzikisa zvishuvo zvake mushure mekutambirwa kwechikumbiro chakabva kuna Paul ‘Triphle H’ Levesque, mutevedzeri wemutungamiri weWWE muboka rinosimudzira mutambo uyu kuti apinde muWWE Performance Centre kuOrlando, ku Florida kuti agodzidziswa zvakasimba.

Wiese, uyo akambotambira zvikwata zvakaita seHoffenheim, Werder Bremen neKaiserslautern, ari kutarisira kukwikwidza mumutambo wake wekutanga weWWE kuGermany muna Mbudzi. “Ndange ndiri kuita gadziriro dzangu zvakasimba uye ndiri kufara kuwaniswa mukana uyu,” Wiese akadaro. “Kunyangwe zviite sei, chishuwo changu kuti ndigokwikwidza muWWE muna Mbudzi. Ndiri kuda chaizvo mutambo uyu!”

Asi aka kanenge kasiri kekutanga Wiese achipinda muWWE.

Muna Gunyana mugore ra2014, Wiese aive muenzi apo akapihwa basa rekuchengetedza nguva pane mumwe mutambo weWWE uye ndokufarirwa zvikuru nevatsigiri mushure mekunge apinda mune mumwe mutambo.

Wiese akazoshevedzwa rimwe zuva kuti amborakidza tarenda rake kuWWE Performance Centre, uko akagutsa varairidzi vemutambo uyu kusanganisira Levesque.

“Tim akasimba,” Levesque akadaro. “Anoramba achitaura nezvekuda kurakidza kuti ane chipo chekukwikwidza mumutambo uyu, uye akaramba achirakidza kuti anoda kuuya kuzokwikwidza saka ari kuzvigadzirira mukana wake. Uyu ndiwo mukana wake wekurakidza kuti zvaanotaura anozvita here. Zvakafamba zvakanaka kuFlorida, achawaniswa mukana wake wekukwikwidza.” — Sky Sports News

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×