Kugadzirwa kwemibhedha yembesa yefodya

Mushure memasvondo mashanu ekutanga kwemwaka wekutengeswa kwefodya wa2016, varimi vakawana $240 miriyoni kubva pamakgs 83 miriyoni akatengeswa nemari yepakati inoita $2,87 pakg.

Huwandu hwefodya yakaendeswa kumisika hwakawedzera zvakare nechikamu che35,5% kana zvichienzaniswa nefodya yakaunzwa kumisika panguva imwe chete iyi mwaka wadarika uyewo mari yakabhadharwa kuvarimi yakawedzera nechikamu che37%.

Panguva iyo varimi vari kuwana chouviri nekuda kwemitengo yakanaka, ivowo vanofanira kurumbidzwa nebasa guru ravakaita rekugona kurima zvine unyanzvi zvakaita kuti mabhero akarambwa kumisika nezvikonzero zvakasiyana ave chikamu che6%.

Saka ino ndiyo nguva yekuti varimi vachitotangisa kugadzirira mibhedha yekudyara mbeu yefodya.

Kune nzira mbiri dzekudyara mbeu yefodya dzinodaidzwa muchirungu kuti Conventional Seedling neFloat Seediling.

Kunyangwe zvazvo varimi vane chitsama vachifarira kushandisa nzira yeConventional Seedling, Float Seedling inoonekwa ine zvayakakoshera zvakawanda kana zvichienzaniswa neyeConventional.

Izvi zvinosanganisira kuderedza hukuru hwenzvimbo yekudyara mubhedha wembeu kakapetwa kashanu, iri nyore kubvisa mbeu mumubhedha uchienda kunodyara mumunda, mishonga inodiwa mishoma pamwe nemvura nefetereza inoshandiswa.

Pamusoro pezvo, mbesa dzinobuda dzinenge dziri dzemhando yepamusoro dzakaenzana uye dzinoshingirira muzuva.

Kuburikidza nenzira yeFloat Seedling, mbesa hadzikasiki kusvava kana zvichienzaniswa nembesa dzinodyarwa nenzira yeConventional uye dzinorarama kwenguva ndefu dzichikasika kukura.

Mukushandisa nzira yemaFloat Trays varimi vanofanira kutenga matireyi akawanda.

Kugona kudyara mbesa zvakanaka kunoitawo kuti murimi ange achibura goho rakakura riri remhando yepamusoro.

Mbesa dzinofanira kunge dzakaparadzana ne15-17 cm pakati ne6-10mm pahukobvu kana dzichinge dzave kubviswa mumubhedha dzichienda kunodyarwa mumimda. Dzinofanira kunge dzakasimba dziine mashizha angaite masere kana gumi nechemuzasi.

Mbesa dzinofanira kunge dzakasimba uye midzi yadzo inofanira kudzurwa zvakanaka kubva kumubhedha ichiramba yakachengetedzwa kuti isaparare panguva yekudyara.

Nzvimbo yekushandisira nzira yeFloat Seedling yakangofanana neiyo yeConventioal Seedling uye mibhedha yembesa idzi inofanira kunge iri panzvimbo inodziya.

Mubhedha wacho unofanira kunge wakafara kuti unge uchikwana matireyi matatu kana mana kumativi ose.

Matireyi anofanira kugadzirwa zvakatsvinda akaparadzana ne1,5cm pakati pawo kuitira kuti zuva ringe richidzivirirwa kupinda sezvo zvinozoita kuti pave nemazere ayo anokanganisa zvirimwa.

Panodiwa makosi maviri e4,5 inch dzezvidhina mukuvaka mubhedha uye unofanira kunge uine geji ye0,25mm dzebepa repurasitiki dema rakafara 0,5m.

Mubhedha unofanira kuzadzwa nemvura kwe10cm asi bepa repurasitiki rinofanira kusiiwa rakabatirira pazvidhinha.

Makwati emuti wemhando yemupaini, jecha nemvura zvinokwanisa kusanganiswa kuti pange pachiburwa inonzi media uye makwati emupine anowanikwa kuKutsaga seGrowmix nemaprototypes anodiwa achiwanikwa zvakare kuKutsaga.

Mbesa imwe chete inokwanisa kudyarwa nechepakati uye matireyi acho anofanira kunge ari mumibhedha mushure meizvi.

Kana kuti, murimi anogona kudyara achishandisa mugoro wekudiridzisa (watering can) achishandisa nzira iri nyore ye2,5g yembeu pahekita imwe chete.

Kuisa mupfudze kunobatsira mukuderedza kurasikirwa nemvura zvukuru munguva yekupisa kwakanyanya.

Hydrofert neKutsaga Float Fert ndidzo mhando mbiri dzefetereza dzinokurudzirwa kushandiswa.

Mvura inofanira kugara ichidiridzirwa mumatireyi embesa kuitira kuti asaomerwe zvichienderana nemamiriro anenge akaita kunze.

Mvura yakanaka isina munyu kana utachiona netwupukanana yakakosha kumbesa.

Mvura yemudhamu inokwaniswa kushandiswa panzira yeFloating Tray System kana pachinge pasina nhorowondo yezvirwere zvinowanikwa mumvura zvakadai seblack shank kana kuti iri mvura isina kusvibiswa kuti pasave nematambudziko ekuwandisa kwechlorine uyewo mvura inobva mutsime richangobva kucherwa inogona kushandiswa kana iine Ph iri pakati pe5,5 ne6,4 isina bicarbonate necarbonate yakawanda inogona kukanganisa makuriro embesa.

Panguva yekumera, midzi yembesa haifaniri kubuda kunze kwetireyi nekuti chinenge chatove chiratidzo chekuti pane zvakaipa zviri kuitika.

Nzira yeFloating Seedlings inoita kuti mbesa dziwane kudya kwakakwana kunobva muvhu kana zvichienzaniswa neyeConventional.

Sangano reTobacco Industry and Marketing Board rakabatana neAGRITEX neveFarmers Development Trust (FDT) vari kudzidzisa varimi zvidzidzo zvemarimiro embesa vachishandisa nzira yeFoating pachena mumatunhu akasiyana.

  • Kuti munzwe zvizere tibatei panhamba dzinoti: 0772145166/9, 0279-22082/21982, 025-3439, 067-24268/29246, 0277-2700, 064-7280, 0271-6772, Toll Free Number 0731999999 kana padandemutande rinoti: [email protected] <mailto:[email protected]>

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×