Yakadaro: Rudo ngarupfumbire!

MUMWE wevatereri vakuru veTilda Live, chirongwa chinoitwa naTilda Moyo-Karizamimba panhepfenyuro yeStar FM, anoti chikamu chechirongwa ichi chinodaidzwa kuti Couples Quality Time chakakosha zvikuru sezvo chiri kusimbisa wanano dzevanhu vakawanda kuburikidza nenyaya dzinokurukurwapo.

Tilda Live inobuda panhepfenyuro ine mukurumbira kudarika dzose yeStar FM nemusi weChipiri manheru.

Elliot Macheka (28), uyo anozivikanwa zvikuru pachirongwa ichi nezita remadunhurirwa rekuti “Yakadaro”, ane mukurumbira wekukurudzira vakaroona kuti vasununguke kana vari muimba yekurara.

Murume uyu anobva kwaSabhuku Sachirera, kwaMambo Saunyama, kuNyanga, uye anoti zita rake rakurumbira zvikuru kuburikidza nechirongwa ichi.

“Sister Tilda ndinovatenda zvikuru nechirongwa chavo, chakasimbisa imba yangu nekuti kunyange mudzimai wangu ave kuziva zvinoitwa mumba. Tine mufaro mukuru nemudzimai wangu, Mellisa Ziira (23) nevana vedu vatatu vanoti Faith, Kudakwashe naLeon,” anodaro.

Chikamu cheCouples Quality Time icho chinotanga nenguva dza11 kusvika pakati pehusiku hachikurudzirwe kutererwa nevana nekuda kwenyaya dzinokurukurwapo.

“Mazuva ano hatina madzitete nemadzisekuru anotiraira munyaya dzemudzimba. Kubva pandakaroora mugore ra2010, ndakazosangana nachipangamazano Star FM muchirongwa chatete Tilda ichi. Ndinoti rambai makadaro nhepfenyuro yembiri.

“Baba vangu VaEversito Macheka vakashaya, ndasarirwa naamai chete, Clara Bwanya. Hunherera hwekushaya baba hapachina asi dzidziso ndinoiwana paStar FM,” anodaro.

Yakadaro, uyo anova mutyairi wemagonyeti muno, ari wechitatu mumhuri yevana vatanhatu – vasikana vatatu nevakomana vatatu – anoti mashoko ake aanotaura panhepfenyuro iyi anovaka dzimba.

“Ndikaridza nhare pachirongwa ichi ndichipa mashoko angu ndikatanga nekuti ‘Yakadaro, Yakadarooo’ kana vanenge vachida kurwa vanobva varega, votanga kutarisana rudo rwotanga zvakasimba,” anodaro.

Anoti nekuzivikanwa uko ave kuitwa pachirongwa ichi, anonwa doro remahara nekugocherwa nyama nevanhu vakawanda akangoshevedzera chete kuti Yakadaro mubhawa.

“Kutaura chokwadi handaimboziva kuti ndichaita mbiri yakadai apo ndakatanga kuterera chirongwa ichi. Ndatova celebrity kwandinofamba, kuBoomarang Night Club hakuna asisandizive. KuHighlands kwandinogara zvakatonyanya, vanhu vakandiona vanotomira kutarisa. Zvino rimwe zuva ndikazofamba naSister Tilda hamheno zvavo.”

Yakadaro anoti anokurudzira vakaroorana kupanana rudo ruzere nekuti vakawananirana kudanana kwete kurwa kana kupopotedzana.

“Kana wanwa doro nekudhakwa ikoko bhidiritsanai nerudo kwete kurwa, vanhu ngavasvotwe nerudo rwenyu vakurevei imi muchienderera mberi chete,” anodaro.

Murume uyu anoti haaperere pakupa mazano erudo chete kuvatereri veStar FM sezvo ari murimi anopfuya mombe kumusha kwake idzo dzinosvika 15 pamwe nembudzi 16.

Pamba paanogara muHarare anoti ane tsuro 120.

“Rudo rwunonakidzawo kana mumba muine mari, hatishandirei mhuri dzedu nekuitawo mabasa emawoko tigute. Ukaswerera rudo pasina kudya mumwe anofenda chete kana kuti rudo rwacho rwunoguma kwava kurwa.”

Imwe nyaya yaanotaura anoti haasi murume anoshoreka nekuti anopfeka saizi yebhutsu isina vamwe – size 12 – iyo anoti inoshaika muzvitoro zvakawanda.

“Kupfeka bhutsu saizi 12 kune zvakunoreva kuti ndiri munhu muhombe, bhutsu dzangu ndinovigirwa nemamwe machinda kubva kuUK (United Kingdom). Izvozvi ndinorema 85kg asi ndikasimba ndinosvika 92 kana 95kg, kureva kuti pane mukweshwa wemurume kana kuti hwitakwi sekutaura kwaiita baba vangu,” anodaro Yakadaro.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×