GRADE 7: Nzungu, tsenza nenyimo

Ticha Danga
CHIKAMU chakapfuura takambobata mhando dzezvirimwa. Asi hatina kukwanisa kupedza dzose nekuda kwenguva saka ndati timbotsokodzera nyaya iyoyo tigoziva nekuzogona kufananidza nezvanhasi uno.

Chibage ndicho chirimwa chikuru muZimbabwe sezvo chiri icho chinobata hwaro hwezvidyiwa zveruzhinji munyika (staple diet). Chibage hatisi isu takatanga nacho muno asi kuti chakauya muZimbabwe kubva mhiri kwamakungwa.

Tsvagurudzo inoti chibage chakauya muno chichibva kuAmerica. Zvinonzi kuAmerica chaingokura chega musango.

Chibage ichi nokudaro isu hatina mazita chaiwo eShona atinochipa asi kuti tinongonzwa kuti chine mhando dzakawanda kubudikidza nemhando yegunde racho, muguri wacho netsanga dzacho.

Chimwe chine maziguri nemazitsanga chinova ndicho chakakodzera kuita mangai. Chimwewo ndicho chine tsanga duku dzinodiwa pakukanga mhandire.

Kunze kwechibage tinowanawo nzungu idzo dzine mhando ina. Kune chiboko kana kuti kaboko inova nzungu huru kwazvo patsanga inoti ikadzurwa inenge yakaita kakusvibirira paganda. Nzungu dzinonyanyorimwa navazhinji ndidzo dzinonzi chimhandara kana tumbe. Iyi imhando isina mazitsanga akakurisa uye iri pakati nepakati iyo inomhanyirwa pakukuya dovi.

Kasawaira kanzungu kadoko doko kane makanda anoti omei pakumenya kwacho kana kutokonora. Tinopedzisa nenzungu inonzi murambatsvina iyo inosara yakachena painodzurwa. Painotanhaurwa inenge iine vana vachena asi vakakura.

Tinowanawo kuine nyimo. Nyimo dzatinorima dzine mipatsa mitatu. Kune kanyimo kanonzi kapofu. Kanyimo aka kana kaumburwa nekumenywa kanozivikanwa nekaziso kadiki-diki kusiyana nedzimwe dzose. Mberete ndiyo nyimo yeruzhinji inenge iine ziso rakajeka zvakanaka.

Tumbe inogona kuwanikwa iine mavara mavara asi yakakura zvine mwero wepakati nepakati.

Manhanga tinoadya semanhanga ndokunge angochekwa akabikwa. Tinogona zvakare kuadya senhopi. Tine rinonzi ndodo rinova nhanga rine mavara mavara iro rinoita mukati mutsvuku uye richinaka samara. Kunewo ditimanga kana kuti mangachena rinova nhanga rinokura kwazvo asi rinenge rakachenuruka risina ruvara. Mukati maro makachenuruka riine mazimhodzi akakura.

Mapudzi ndiyo mhando yemanhanga iya anoti mbombombo kuibva uye inoita twumhodzi tutete twakawanda twunongodyiwa nemapudzi acho. Mapudzi anenge akomba tinoaomesa tozobvisa mhodzi toita hosho nema gavhu. Mashamba kana kuti mafere ndiwo aya akada kufanana nemavise kana manwiwa. Mafere tinobikisa nhopi mushure mekuamenya.

Mumatoro kana matimbwa tinorima tsenza. Tsenza dzine muto unokataza mbatya nemazino asi dzinonaka chose. Kune mhando nomwe dzetsenza asi tsenza ine mukurumbira ndeinonzi chisidyemuronga. Tsenza iyi yakadunhurirwa zita iri nekuda kwebarika. Nekuda kwemunakiro etsenza iyi vana baba vainyima varonga (vakadzi vanotevera vahosi pabarika) vachinzi hazvibvumidzwi kuti vadye kunze kwevakadzi vekupedzesera. Vahosi vaizopirwa kunyara asi varonga vaisapihwa, ndiko kusaka yakanzi chisidyemuronga.

Dzimwe mhando dzetsenza imvumvu, gombwa, ndurwe, nziye, sasamwi nezananda. Zimbangu ndiro zitsenza rakakura risina madzirandanda mukati. Kasasamwi kane muto wakawanda, kachitapira zvikuru asi kane madzirandanga akawanda.

Runinga ndirwo rusasavo. Ndirwo zvakare rwunonzi utwiro. Twana tweruninga twakaita setsanga dzeyiyo kudupuka. Twunonanikwa paruware, twaoma twopurwa twoita dovi rinonhuwirira zvakanyanyisa.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×