Yambiro kune vemabhawa

Muchaneta Chimuka

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuyambira vemabhizimisi emabhawa nema’restaurant’ avo vari kuvhura zvechitsotsi kuti kuita kwakadai imhosva sezvo kuri kutyora mitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mutauriri wemapurusa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vemabhawa nevema’restaurant’ vari kutyora mutemo nenzira iyi vachatorerwa marezinesi avo.

Pasi pemitemo yekurwisa chirwere cheCovid-19, mabhawa nema”night club” haasati ave kutenderwa kuvhura zvisinei nekuti kune vamwe vari kuonekwa vakavhura zvechitsotsi.

“SeZimbabwe Republic Police, tiri kushushikana zvikuru nekuwanda kwenyaya dzevemabhawa avo vari kushanda zvisiri pamutemo apo vari kubvumira vanhu kuti vapinde mukati vachivatengesera doro pamwe nekunwira imomo.

“Vanhu ava vari kutyora mitemo yeHurumende apo vanovharira makasitoma avo mukati, vokiya magonhi vochinwa doro nekuridza mimhanzi zvine ruzha kuitira kuti vanhu vasanzwe kuti mukati mebhawa kana restaurant mune vanhu,” vanodaro Asst Com Nyathi.

Vanoti vamwe vanhu vari kunwa doro vari mudzimotokari idzo vanomisa pamberi pemabhawa inova mhosva zvekare.

“Tinoramba tichiyeuchidza veruzhinji kuti njodzi yekunyuka kwedenda reCovid-19 kechitatu (3rd wave) haisati yadarika sekuziviswa kwatakaitwa nenyanzvi dzezveutano. Nokudaro mapurisa achange achisunga vose vari kutyora mitemo yenyika iyi sezvo Hurumende yakati mabhawa anofanira kuramba akavharwa,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanoti mapurisa kumatunhu ose enyika akatoziviswa pamusoro pekuti vemabhizimisi emabhawa vari kutyora mitemo yekurwisa Covid-19 vatorerwe marezinesi.

“Tinokurudzira zvekare veruzhinji kuti vanyevere mapurisa kana vachinge vaona mhosva dzerudzi urwu dzichiparwa kuNational Complains Desk panhamba dzinoti (0242) 70363 kana WhatsApp inoti 0712800197 kana kuchaya nhare dzemuHarare Operations dzinoti (0242) 748836 kana Bulawayo Operations dzinoti (09) 73547,” vanodaro.

Munguva pfupi yadarika, mapurisa akazivisa zvekare nezvehuwandu hwevanhu vakasungwa nekuda kwekutenga kana kutengesa doro zvisiri pamutemo.

Bhizimusi rekutengeserana doro mumabhawa kazhinji kacho rinozivikanwa nekuungana kwevanhu zvinopa mikana yekupararira kwechirwere cheCovid-19.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×