‘ZveCovid zvinoda mushandirapamwe’

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Ambassador Cain Mathema, vanokurudzira vabereki uye vachengeti vevana kuti vashande pamwe nevakuru vezvikoro panyaya yekurwisa chirwere cheCovid-19.

“Tinokurudzira vabereki kuti vazivise vakuru vezvikoro kana pachinge paine zviratidzo zvekuti mwana anenge asiri kunzwa zvakanaka. Tinoyambira zvekare vabereki kuti vatizivise kana paine hama mumhuri inenge isiri kunzwa zvakanaka, kunyanya kana iine zviratidzo zveCovid-19 sekupisa muviri, kukosora kana kuzarirwa,” vanodaro Ambassador Mathema.

Vanoti kurwisa chirwere cheCovid-19, mungava muzvikoro zvebhodhingi kana zvinoendwa vana vachidzoka kumba, kunoda mushandirapamwe wevakuru vezvikoro, varairidzi, vabereki nevezveutano.

“Hakuna chikoro chingakwanisa kurwisa Covid-19 chiri chega, saka ngatibatanei tirwise denda iri. Hakuna zvakare mhuri inofanira kuparadzira hutachiona hweCovid-19 nekuda kwekutya kumhan’ara zviratidzo zvinenge zvaonekwa mumhuri. Kufumura nyaya dzose dziri maringe nechirwere ichi kunobatsira mukuchengetedza mhuri nenyika yose,” vanodaro Ambassador Mathema.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatsigire mabasa makukutu ari kuitwa neHurumende ekurwisa denda reCovid-19 muzvikoro nemunyika yose.

Related Posts

Gororo rine pfuti rabatwa rahwanda muchibage

Kingstone Mapupu GORORO rainge rarura nekubira vatyairi vedzimotokari rakapakata pfuti pamugwagwa rakazobatwa rakavhumbama pakati pemunda wechibage mushure mekunge rahwanda apo raive rabira mumwe mutyairi US$50 kuBulawayo. Mbavha iyi yakakwidzwa motokari…

Makore 10 mujeri sekuru vabata muzukuru chibharo

Moffat Mungazi MURUME ane makore 68 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare — Harry Peter Mangani — akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo muzukuru wake ane makore 28…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×