Zvihuta: shiri inorapa

VARIMI vanopfuya zvihuta vanonzi vari kuwanda muZimbabwe zvichitevera kuwanda kwevanotenga nyama nemazai eshiri idzi izvo zvinonzi zvinobatsira zvikuru munyaya dzeutano.

Kupfuya shiri idzi, idzo dzaizivikanwa muno bedzi nekungova dzesango, rinonzi rakatangwa kunyika yeJapan uko kune varimi vakawanda vanochengeta zvihuta.

MuAfrica, nyika dzakaita seUganda neKenya dzinonzi dzakurumbira zvikuru munyaya dzekupfuya zvihuta dzichitengesera dzimwe nyika dziri kuEurope. Sachigaro wesangano rekupfuya zvihuta muno, reZimbabwe Quail Farmers Trust (ZQFT), VaCampion Mutarisi, vanoti bhizimusi rekuchengeta shiri idzi riri kusimukira zvikuru.

“Tave kudzidzisa varimi vane chido chekupfuya zvihuta kuita basa iri. Takavamba sangano iri mumwedzi waGumiguru gore ra2014 mushure mekuona kukosha kwakaita mazai nenyama yeshiri idzi,” vanodaro.

Nyama nemazai ezvihuta zvinonzi zvinorapa kana kudzivirira zvirwere zvakasiyana, zvinosanganisira gomarara neAsthma.

VaMutarisi vanoti chakanakira shiri idzi ndechekuti hadzitapukirwe nezvirwere zvakawanda nyore sezvinoita huku.

“Shiri idzi dzakanaka zvikuru uyewo nemari shoma unokwanisa kutanga kudzipfuya nekuti hadzidye kudya kwakawanda. Shiri imwe chete inodya chikafu chinoita magiremu 20 kusvika 30 pazuva. Zvihuta zvinomwe zvinogona kugara panzvimbo inogarwa nehuku imwe chete,” vanodaro VaMutarisi. Sheshe dzezvihuta dzinonzi dzinotangisa kukandira mushure memasvondo matanhatu, dzichikandira zai rimwe chete pazuva kwemakore maviri akatevedzana.

Manyowa ezvihuta anokwanisa kushandiswa sefetereza yepamusoro kuburikidza nekudya kurimo.

“Kuti murimi akwanise kupfuya zvihuta, anofanirwa kudzidziswa zvizere uyewo ove nemari yekutanga basa iri,” vanodaro.

Shiri idzi dzinodyawo makireshi ehuku zvisinei kuti kune kambani yaveko iri kugadzira kudya kwadzo.

“Nyika yeZimbabwe ichave pamusoro munyaya dzekupfuya zvihuta zvichitevera kudzidzisa uko tiri kuita varimi vakawanda kutanga basa iri,” vanodaro.

Shiri idzi nemazai adzo zvinonzi zviri kufarirwa zvikuru mumahotera nedzimwe nzvimbo dzinobikwa kudya zviri kuita kuti dziri kuchengetwa pari zvino dzive shoma pane dzinodiwa.

“Sesangano tinotengesa zvihuta zvinodarika 5 000 nemakiretsi 500 emazai pamwedzi asi tiri kutadza kuwanisa vanhu vose vari kuzvida,” vanodaro VaMutarisi. Kune vanoda kupinda mubasa rekupfuya zvihuta vanokurudzirwa kutanga nezvihuta zvinenge zvakura kusvika pasvondo nechidimbu, zvakawanda kusvika pazana. Shiri idzi dzinogariswa munzvimbo yakachengetedzeka semumba kusvika masvondo mana, dzozopatsanurwa kuti sheshe kwadzo, majongwe kwawo.

Zvihuta zvakasiyana apo sheshe dzine mavara pachipfuya ukuwo majongwe asina asi aine tunenge tumitsetse twakatsvukuruka pachipfuva.

Jongwe rimwe chete rechihuta rinowirirana nesheshe nhatu kuti kuzokandirwa mazai anochechenywa zvakanaka. Panosvika masvondo matanhatu, shiri idzi dzinoiswa pamwe chete dzotanga kupihwa kudya kunokandirisa mazai.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *