ZFC yagadzirira mwaka unotevera

KAMBANI yeZFC Limited inoti yakapedza kuvandudza michina yayo miviri inoshandisiswa mukugadzira fetereza uye yave kugadzira fetereza yemwaka unotevera. Fetereza yemwaka wemuchando yakatogadzirwa kare pamwe nekuendeswa kumativi mana enyika kuitira kuti varimi vange vachiiwana zviri nyore.

ZFC ine mizinda miviri inogadzira fetereza ine huwandu hunodarika 200 000 metric tonnes yepasi ne150 000Mt yepamusoro.

Zvakadaro, nyika ino pagore inoda fetereza ine huwandu hunosvika 350 000Mt yefetereza yemhando dzose.

Kubvira kuvambwa kwakaitwa kambani iyi mugore ra1952, iri kuramba ichisimukira mukugadzira fetereza yemhando yepamusoro pamwe nekubata vatengi zvakanaka.

Kuvandudzwa kwaitwa mizinda miviri iyi gore rino kuchabatsira mukusimudzirwa kwezvigadzirwa nekufambiswa kwebasa nemazvo.

Mari inosvika US$600 000 yakashandiswa mubasa iri.

Basa rakaitwa mukuvandudza mizinda iyi:

Kugadzirwa kwemichina yepamizinda iyi kuchabatsira zvikuru mukufambiswa kwebasa zviri nyore.

Apowo mimwe michina ine zvekushandiswa zvakange zvasakara zvakaiswa zvimwe zvitsva. ZFC inogadzira fetereza yemhando yepamusoro isingakanganise nharaunda kana utano hweveruzhinji.

Chengetedzo, utano nehudzamhu:

ZFC yakahwinha mubairo  weNational Annual Quality Awards (NAQA) Best Company of the Year Award wegore rapera  uye ichange ichimiririra Zimbabwe mumakwikwi  eSADC Quality Competitions. ZFC inoshanda nesimba nedonzvo rekusimudzira zvigadzirwa zvayo.

Kambani iyi zvakare ine magwaro ekushanda zvine hunyanzvi eCertified Integrated Management System ayo anosanganisira  eISO 9001, ISO 14001 neOSHAS 18001. Izvi zvinoita kuti vanodyidzana nekambani iyi vave nechivimbo nayo pamwewo nekusimudzira vashandi.

Matengeserwo efetereza:

Kuti varimi vange vachirerutsirwa, ZFC ine nzvimbo dzinodarika 100 dzinotengeserwa fetereza kumativi mana enyika idzo dziri pedyo navo.

Vatengesi vemidziyo yezvekurima 500 vakanyoreswa vari kumaruwa uko vanotengesa fetereza pamwe nemishonga yemhando yakasiyana kuvarimi.

Muzvitoro zvose zviri munyika, varimi vanokwanisa kutenga kuburikidza nemichina yePoint of Sale kuitira kuti vasanetseke nedambudziko rekunetsa kwemari.

Fetereza iyi iri kutengeka nemitengo yepasi saka varimi iyi ndiyo nguva yekugadzira mwaka wekurima.

Rutsigiro kuvarimi:

Kambani iyi ine varimisi vakafundira basa vakatekeshera nenyika avo vakangomiririra kubatsira varimi nemazano maringe nenyaya dzezvekurima uye zvekushandisa.

ZFC inopa zvakare varimi zvekushandisa kuti vange vachiwana mashoko nenzira yedandemutande kana neredhiyo munyaya dzekurima.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×