Zim muSADC pavanhu vafa

Tandayi Motsi

ZIMBABWE ichiri panhamba yechipiri mudunhu reSADC panyaya yevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 uye kusvika nemusi weSvondo, varwere 1 400 vange vafa nedenda iri munyika muno.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti nemusi uyu muZimbabwe vanhu 35 172 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Pavarwere ava, 30 601 vakatopona.

Ongororo yakaitwa munyika nomwe dziri mudunhu reSADC inoratidza kuti South Africa, iyo yakavakidzana neZimbabwe, ndiyo ine vanhu vakawanda vari kufa neCovid-19 avo vanodarika 47 000 kubva pavarwere 1,4 miriyoni.

Zimbabwe pari zvino iri mushishi yekuita ongororo yekuona kuti mhando itsva yechirwere cheCovid-19 – iyo yakanyuka kuSouth Africa – yakapinda here munyika muno panguva iyo Hurumende iri kushanda pamwe chete nesangano reWorld Health Organisation muchirongwa chekutenga mushonga wakatenderwa wekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Mushonga wekutanga yemajekiseni 200 000 ekudzivirira Covid-19, uyo wakapihwa kuZimbabwe nenyika yeChina, wakasvika muno neMuvhuro mangwanani.

Zambia ndiyo iri pachinzvimbo chechitatu panyaya yevanhu vari kufa nechirwere ichi muSADC vanova 745 kubva pavarwere 65 573.

Kwouyawo Eswatini (yaimbonzi Swaziland) iyo ine varwere 16 341 ne562 vafa.

Mozambique, kunyangwe zvazvo iine varwere veCovid-19 vakawanda (46 736) kudarika vemuZimbabwe, vafa vashoma vanove 363.

Nambia iri pechitanhatu nevanhu 35 242 vawanikwa vaine chirwere ichi apo 350 vakafa.

Nyika yeBotswana ndiyo ine vanhu vashoma vafa neCovid-19 mudunhu reSADC vanove 134 kubva pavarwere 24 435.

Ongororo iyi inoratidzazve kuti kunyangwe zvazvo Zimbabwe iine varwere vashoma veCovid-19 kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika dziri mudunhu iri –

Mozambique, Zambia neNamibia – vanhu vari kufa muno vakawanda kana kudarika vekunyika idzi.

Hurumende iri kusimbaradza matanho ekuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi.

Pasi pechirongwa ichi, veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba, vapfeke mamasiki nenzira kwayo kana vave kuenda panzvimbo dzinosangana vanhu uye kuti vasaite chitsoko-tsoko.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×