Zim musha wangu: Gayle

Abel Ndooka
MUTAMBI wecricket weWest Indies – Chris Gayle – uyo aive muno masvondo adarika, anoti Zimbabwe musha wake uye anonzwa kusununguka zvikuru pose paanoshanya muno.

Achitaura apo nyika yake yairwira tikiti rekuenda kunokwikwidza kumutambo we2019 International Cricket Council World Cup, Gayle anoti Zimbabwe inomunakidza zvikuru.

“Zimbabwe musha wangu, kuuya kwangu kuno ndinonzwa mufaro mukuru nekuti ndinenge ndakagarika uye mutambo wecricket unofarirwa zvikuru,” anodaro.

Gayle – uyo anozivikanwa saWorld Boss rinove zita rake remadunhurirwa nekuda kwaanoita mafaro –  anoti kunyangwe zvake ari chizvarwa chekuWest Indies iye pachake anozviona semwana wemuZimbabwe nekuti kana ari munyika ino anenge akasununguka zvikuru kudarika zvaanoita paanoenda kune dzimwe nyika.

“Kana ndiri munyika ino ndinonzwa kusunguka zvisingaite, zvizvarwa zvemuno zvakasununguka uye zvinofarira vamwe.

“Tinotambirwa nemufaro pese patinouya kuzotamba cricket muno izvo zvinove zvatinoyemura zvikuru,” anodaro Gayle.

Zvakadaro, chikwata cheWest Indies chimwe chezvakabudirira kuhwina tikiti rekuenda kunokwikwidza kumutambo wecricket World Cup gore  rinotevera uyo uchatambirwa kuEngland neWales.

 

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×