Zim yadadisa mumutambo weT20I

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chakasimudza mureza wenyika zvichitevera kuhwinha kwachakaita mutambo wechipiri weTwenty20 International Series (T20I), uwo chakatamba neNamibia svondo rino.

Zimbabwe neNamibia zvange zvichibandana mumitambo mitatu yeT20I series kuQueens Sports Club, kuBulawayo.

MaChevrons akahwinha mitambo miviri yokutanga, iyo yaiveko musi weMuvhuro neChipiri.

Namibia ndiyo yakatanga kutamba, ndokuita 169 runs, pachibuda vatambi vatanhatu pa20 overs. MaChevrons akazotambawo, ndokuita 170 runs, pachibuda vatambi vashanu kubva pa18.1 overs.

MaChevrons akahwinha ne5 wickets.

Zvakadaro, mutambo uwu uri kuenderera mberi musi weChina svondo rino; zvikwata zviviri izvi zvichatamba wekupedzisira weseries iyi.

MaChevrons anofanirwa kutosunga dzisimbe kuti ahwinhe mutambo wokupedzisira uwu kuitira kuti agohwinhe series iyi 3-0.

Zimbabwe neNamibia zviri kushandisa mutambo uwu kuita gadziriro dzokuenda kumakwikwi eICC Men’s T20 World Cup Africa Qualifier, ekurwira tikiti rekutamba kuICC Men’s T20 World Cup, iyo ichaitirwa kuIndia neSri Lanka gore rinotevera.

Mutambo weICC Men’s T20 World Cup Africa Qualifier uchatanga musi wa26 Gunyana kusvika musi wa4 Gumiguru kuHarare Sports Club, muHarare.

Chikwata chemaChevrons, icho chiri kurairidzwa naJustin Sammons, chichazobandana nezvimwe zvisere, kusanganisira iyo Nambia, chichirwira rimwe rematikiti maviri ekuzoenda kuWorld Cup.

 

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *