Zim yakahwina

Sp2Abel Ndooka
CHIKWATA cheZimbabwe Korfball chakahwina menduru yesirivha svondo radarika kumutambo weIFK All African Championship uyo wakatambirwa kuZambia.Zimbabwe yakakundwa 21-11 neSouth Africa iyo yakahwina menduru yegoridhe pamutambo uyu pamwe netikiti rekunomirira Africa kumutambo weIFK World Championships kuBelgum gore rinotevera.

MuAfrica munofanirwa kubuda zvikwata zviviri zvinoenda kuBelgium, chinenge chakahwina nechakakundwa mufainari, asi sangano reIFK harisati rakazivisa Zimbabwe kuti ichaenda here kana kuti kwete kumutambo uyu.

Mutungamiriri weZim Korfball Federation Tarirai Chadebah akati ari kufara nematambiro akaita chikwata chavo kuZambia kunyangwe hacho chakazokundirwa mufainari neSouth Africa.

Anoti chikwata chavo chinogona kuenda kuBelgium gore rinotevera kana kutadza nekuda kwezvikonzero zvakasiyana saka parizvino vakamira negumbo rimwe uye IFK ndiyo ichavazivisa mamiriro ezvinhu.

“Chikwata chedu chakatamba zvinogutsa svondo radarika kuZambia uye tiri kufara nekuhwina kwatakaita sirivha. Tichitarisa kuti mutambo uyu wakatangwa makore adarika muno, zvinorakidza kuti tiri kufamba mugwara chairo uye uri kukura.

“Chikwata chedu chakatamba zvinonwisa mvura, kunyangwe takazokundwa hedu neSouth Africa asi tine chivimbo chekuti gore rinotevera tichienda kuBelgium kumutambo weIFK World Championships.

“MuAfrica munofanirwa kubuda zvikwata zviviri zvichienda kumutambo uyu uye isu sezvo takahwina sirivha svondo radarika tine mukana mukuru asi takangomirira kunzwa kubva kusangano reIFK kuti tinoenda here kuBelgium gore rinotevera,” akadaro.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×