‘Anondityisidzira nerufu’

nyundoMalven Mugadzikwa
CHIREVO chinoti, “Mvura yemubvumbi tiza ichiri kure” chakazadzikiswa nemumwe murume uyo akanopotera kudare achiti mudzimai wake anogara achimuvimbisa kuzviuraya pamwe chete nemwana wavo nekuda kwekunetsana kwavari kuita.

Douglas Mhlabu akaendesa mukadzi wake, Fungai Mufandaedza, kuHarare Civil Court. “Ishe wangu, upenyu hwangu hwave hwekungogara ndichifunga kuti ndichanzwa ndava kuudzwa shoko rerufu rwemukadzi wangu nekuda kwemashoko aanonditaurira mazuva mazhinji. Kugadzikana chaiko handichina.

“Dai dare ramupa gwaro rekuti asandifonere achindituka kana kutaura mashoko akashata. Zvemwana ndiri kumupa uye chero akarwara ndinomupa mari saka kana achifona ngaafone mune zvakanaka,” akadaro.

Mhlabu akati mukadzi wake anomutyisidzira nekuti achazvisungirira kana kutanga auraya mwana ozozviuraya.

“Mukadzi uyu anondiudza kuti achazvisungirira pamba pevabereki vangu paari kugara. Chakazondisimudza kuti ndiuye kudare inyaya yekuti anga ava kuda kutanga auraya mwana ozozviuraya. Mazuva ano hatisi kugara tese nenyaya yekuti iye haasi munhu anoda kuteerera zvandinotaura.

“Anonyengerwa nevanhu vekumusha kwake achiita zvaanoda kwandiri nekuti vanoti ndikaenda kumba kwavo vanondiponda nenyaya yeroora. Ane tsamba yaakanyengerwa kunyora nasisi vake yekuti achazviuraya agokonzeresa ngozi kumba kwedu,” akadaro Mhlabu.

Mufandaedza akaramba mhosva yaaipomerwa achiti: “Murume wangu ava kuda kuhwanda nedare, ndiye akatiza pamba. Kubva pandakaenda kudare ndichida mendenenzi paakanditiza, ndipo pakatangira nyaya yese.

Pandakatanga kupihwa mendenenzi vabereki vake ndipo pavakati ndaifanira kubva pamba pavo nekuti ndaikwanisa kuroja nemari yemendenenzi. “Saka ini ndakaramba kubva sezvo ndisina kurambana nemwana wavo. Izvo zvekuti ndakati ndozviuraya kunyepa, ndakavaudza kuti kana muchida kuti ndibve pano tangai mandibvisira roora sezvo vabereki vangu vari kurambawo kuti ndiende kumba pasina pfuma yakabviswa. Inini ndakangovaudza kuti kana kuri kufa ndichafira kumusha kwemurume wangu, kwete kuti ndinoda kuzvisungirira.”

 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×