Zim yosimbaradza chirongwa chekurwisa zvirwere zvezvipfuyo

Lonster Mutata

BAZI reVeterinary Services riri mushishi yekusimbaradza chirongwa chekurwisa kunyuka nekupararira kwezvirwere zvezvipfuyo mumwaka wa2025/2026 zvichitevera kuwanda kwazvinoita munguva yezhizha.

Chief director webazi iri Dr Pious Makaya vanoti chirongwa ichi chine hwaro hunobva pakuita ongororo yakadzama nguva nenguva nekutora matanho akakodzera kana pachinge panyuka zvirwere.

Vanoti chinangwa chikuru ndechokuchengetedza danga renyika nekusimbaradza nyaya dzekuwanikwa kwechikafu muZimbabwe. “Apo nyika iri kugadzirira mwaka wa2025/2026 wezhizha, tiri kusimbaradza chirongwa chekurwisa kunyuka nekupararira

kwezvirwere” vanodaro Dr Makaya.

Bazi iri rave nemuzinda wemarabhorotari ekuongorora zvirwere zvezvipfuyo kumapurovhinzi nemadistrict. Mizinda iyi iri kutsigirwa kuburikidza nekudzidziswa kwevashandi vanosanganisira maveterinary officer, maanimal health inspector nemaextension officer.

“Tinoda kuti vashandi vedu vepamberi vange vaine midziyo inodiwa neunyanzvi kuitira kuti vakwanise kuziva panonyuka zvirwere nekutizivisa kuitira kuti pabva patorwa matanho nechimbichimbi,” vanodaro.

Kubayiwa kwezvipfuyo nechinangwa chekudzivirira zvirwere zvakaita sechemahwanda (foot and mouth), tungundu (anthrax) neNewcastle kuri kuenderera mberi munyika yose.

Urongwa hwekurwisa chirwere chechimbwamupengo hwakatosvitswa kusangano reWorld Organisation for Animal Health nechinangwa chokuti hugoongororwa pamwe nekupasiswa.

Dr Makaya vanoti chirongwa chekurwisa zvirwere zvinokonzerwa nezvishambwe kana kuti zvikwekwe cheIntensive Tick and Tick-Borne Disease Control Programme chiri kusimbaradzwa zvakare. Izvi zvinosanganisira kuvandudzwa kwemadhibhi nekuvepo

kwezvibhorani zvinoshandisa simba remagetsi anobva muzuva. Matanho ose ari kutorwa aya ane donzvo guru rekusimudzira uye kusimbaradza nyaya dzekuwanikwa kwechikafu muZimbabwe.

* Lonster Mutata ndicommunications and advocacy officer mubazi rezvekurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwebudiriro yekumaruwa. PIX: Dr Pious Makaya Mombe dzichidhibha senzira yekudzivirira zvirwere zvinokonzerwa nezvishambwe

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×