Zim yosusukidza MDGs

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yakatanga kutora matanho ekushanda nemasangano akazvimiririra uye anodyidzana neveruzhinji senzira yekuona kuti zvinangwa zvinoenderana nezvisungo zveSustainable Development Goals zvazadzikiswa.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nebazi rinoona nezvevashandi veHurumende nekubatsirwa kwevanoshaya nemamwe masangano akazvimirira nomusi weChipiri chadarika muguta reHarare.

Chirongwa ichi chaiva nedingindira rinoti, “Hakuna Anosara” uye chakaona vanhu vachidzidza nezvenyaya dzebudiriro mumapoka akaita sekurima, zvicherwa, kusimudzirwa kwemaindasitiri, nyaya dzevechidiki, madzimai, utano nedzidzo, pakati pezvimwe.

Munyori mukuru mubazi iri, VaSimon Masanga, vanoti zvinangwa zvemaSDGs zvinofanira kufambiswa kuitira kuti nyika ive nebudiriro.

“Kuti zvinangwa zvedu zvemaSDGs zvibudirire, zvinoda kuti vatsigiri vese vange vachishanda nesimba. Zvinoda mushandirapamwe wemapoka eHurumende nevakazvimirira uye veruzhinji kuti vabate pamwechete,” vanodaro.

VaMasanga vanoti zvinangwa zvemaSDGs zvine donzvo rekurwisa nzara nehurombo munyika nekuumba mibatanidzwa inosimudzira upfumi hwenyika pasi rose.

“Zvinangwa zvemaSDGs ndezvekusimidzira upfumi hwenyika, raramo yevanhu uye kuunza runyararo nekudyidzana. Saka munhu wose ane basa,” vanodaro.

Zvinangwa zvinoenderana neSDGs zvakavapo mushure mekunge nyika 193 dzinova nhengo dzeUnited Nations dzakatambira chirongwa chebudiriro ichi (Development Agenda 2030) uye maSDGs 17 mumwedzi waGunyana 2015 anova akauya mushure mekupera kwemaMillenium Development Goals (MDGs).

“Masangano akazvimirira akakwanisa kuwanisa vanhu mabasa nechikamu che9/10 percent munyika dzichiri kusimukira nokudaro vane basa guru rekusandura nyika munyaya dzeupfumi pasi rose,” vanodaro VaMasanga.

VaProsper Chitambara, avo vanova consultant wegwaro reSDGs Report, vanoti zvirongwa nezvinangwa zvinoendeka izvi zvakakosha munyaya dzebudiriro yenyika.

Vanoti Hurumende iri kutevedza hurongwa hwese kuti ione kuti zvinangwa izvi zvazadzikiswa.

Zvichakadaro, gwaro reGlobal SDGs Index and Dashboard Report remuna 2019 rinoratidza kuti Zimbabwe iri panhamba 121 pakati penyika 195 panyaya dzekubudirira mukufambiswa kwezvirongwa zvemaSDGs kureva kuti nyika ino ine chikamu che59,7 percent apo South Africa ine 61.5 percent, Mauritius 63.6 percent, Namibia 59.9 percent kuchizoti Botswana 59.8 percent, Zambia 52.6 percent, Mozambique 53.0 percent, Malawi 51.4 percent neRwanda 56.0 percent.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *