Zim yotsigirwa neUS$65m yekurwisa HIV

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE yakawana rubatsiro rwemari inosvika US$65.1 miriyoni kubva kuUnited States Department of State yekurwisa kupararira kweHIV.

Izvi zvakaitwa pasi nechirongwa chePresident’s Emergency Plan for AIDS Relief (PEPFAR).

Rubatsiro urwu rwauya panguva iyo nyika iri kusangana nedambudziko rekushomekerwa nezvekushandisa zvichitevera kumbomira kuunzwa kwerubatsiro nevamwe vatsigiri.

Chirongwa ichi, icho chinodaidzwa kunzi Bridge Plan, chichaitwa kwemwedzi mitanhatu iri kutevera.

Chine donzvo rekuvandudza mabasa ari kuitwa neHurumende yeZimbabwe mukusimudzira utano hwevanhu vane utachiwana hweHIV. Chinewo vavariro yekudzivirira kupararira kweutachiwana uhwu munyika kuburikidza nekusimbaradza zvirongwa zvekuwanisa vanhu zvekushandisa zvakaita semakondomu nedzidziso yekuzvibata.

Kunze kwezvo, kwave nemajekiseni anobayiwa vane utachiwana uhwu, achishanda kwenguva ndefu, zvichideredza kutorwa kwemapiritsi, izvo zvinoonekwa semutoro mukuru.

“Pasi pechirongwa cheBridge, Hurumende yeAmerica icharamba ichitsigira mabhindauko akakosha ekurwisa HIV akaita sekuwaniswa kweantiretroviral therapy nekutenga mimwe midziyo inobatsira muzvipatara nemakiriniki mukurwisa HIV.

“Zvisinei, homwe itsva iyi haisi kuzoshanda mune dzimwe nzvimbo dzakambotsigirwa neUnited States Department of State mukuita zvirongwa zvakaita sekutengwa kwemakondomu uye kuchecheudzwa kwevanhurume mukurwisa HIV,” vanodaro VaMatthew Maruva, vekuUS Embassy muZimbabwe.

Vanoti homwe iyi ichabatsira mukurapwa kwevanhu vane HIV uye kutsigira varapi muzvipatara.

“Kubva pabhajeti yeUS$65.1 miriyoni, mushure mekutora US$16.4 miriyoni yezvinhu zvekushandisa, chikamu che63 percent chiripo pakutsigira vashandi vezveutano vari pamberi, vanove vakakosha mukusimudzira utano hwevoruzhinji,” vanodaro.

Vanoti varapi vanosvika 6 500 vari munharaunda dzinogara vanhu vanoita mabasa makukutu mukurwisa HIV muvana pasi pechirongwa cheBridge.

“Chirongwa cheBridge chine chinangwa chekusvika kuvanhu 43 000 vane HIV pachiitwa tevedzo maringe nekubatsirikana kwavanoita,” vanodaro.

Vachitaura pamusangano mumwe chetewo, Mai Josephine Francisco, vekuUS Department of State, vanoti Zimbabwe inofanirwaa kuramba ichitevedza hwaro hunodiwa mukuramba ichishanda nemazvo mukurwisa HIV sezvo zvichibatsira kuti iwaniswe mimwe mikana yerubatsiro rwemari.

“Chisungo chePEPFAR Bridge cheUS$65.1 miriyoni chinoitwa kwemwedzi mitanhatu chete, chichizopera muna Kurume 2026. Tiri kushanda nesimba neHurumende yeZimbabwe kuti pasave nekuvhiringwa kwemabasa ekuponesa vanhu mushure memwedzi waKurume,” vanodaro.

Vanoti kunyorerana pasi chibvumirano chemushandirapamwe pakati peZimbabwe neUS Department of State kwakakosha mukuvhura humwe hwaro hunoita kuti Zimbabwe irambe ichitsigirwa nezvimwe zvikamu zvehomwe yemari kutanga muna Kubvumbi 2026.

“Tinoramba takazvipira kuchengetedza upenyu uye kutsigira Hurumende yeZimbabwe kuti itore hurongwa hwakazara hwekurwisa HIV. Tose pamwe chete, tinokwanisa kushanda kuti pave nemuenzaniso wakasimba pakugadzirisa matambudziko eutano pasi rose,” vanodaro Mai Francisco.

Vanoti kubvira pakavambwa chirongwa chePEPFAR mugore ra2003, vanhu vanodarika 25 miriyoni pasi rose vari kubatsirikana mukurwiswa kweHIV nezvimwe zvirwere zvinonyuka (opportunistic infections). Mumakore 20 adarika, Hurumende yeUS yakatsigira chirongwa ichi nemari inosvika $1.9 bhiriyoni mukurwisa HIV.

Chamangwiza wesangano reNational AIDS Council, Dr Bernard Madzima, vakatenda masangano, makambani uye vanhu vakazvimirira vari kutsigira kurwiswa kweHIV, vachiti zvinoda musahandirapamwe kuti nyika ikunde dambudziko iri.

Zimbabwe yakabudirira zvikuru mukurwisa HIV, uye yakatozadzisa zvinangwa zveUNAIDS zve95-95-95. Donzvo racho nderekuona kuti chikamu che95 percent chevanhu vane HIV vaziva pavamire, chikamu che95 percent chevane utachiwana uhwu vange vachitora mishonga yavo nemazvo uye chikamu che95 percent chevari pamishonga yemaantiretroviral (ARV) vange vachikunda mukurwisa utachiwana uhwu mumiviri yavo.

Zimbabwe yabudirira zvikuru zvichitevera kuderera kwekutapurirwa kweutachiwana hweHIV kubva kuna amai huchienda kumwana uye ruzivo rutsva munyaya dzekurapwa seoral PrEP (mapiritsi anoshandiswa mukudzivirira kutapukira kweutachiwana), kushandiswa kwemajekiseni mukurwisa utachiwana (injectable PrEP) uye kushandiswa kwedapivirine vaginal ring nevanhukadzi.

Zvakadaro, Zimbabwe yakazvipira kufambira mberi pasi pechirongwa che5th Zimbabwe National HIV and AIDS Strategic Plan (ZNASP V), chinova chichamira sehwaro hunobatsira mukurwisa utachiwana pamakore anoti 2026-2030, zvichitevera budiriro huru yakabva muchirongwa cheZNASP IV, icho chiri kupera mugore ra2025.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×