Tandayi Motsi
HURUMENDE inoti nyika ino ichiri pakati pekurwisa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19, nekudaro veruzhinji havasati vave kutenderwa kungofamba-famba vasina matsamba anovapa mvumo yekuita izvi asi kuti vagare kudzimba.
Mashoko aya akataurwa negurukota rekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa kuvatori venhau nemusi weChitatu mushure memusangano wedare reCabinet uyo wakaitirwa muHarare.
Kusvika nemusi uyu, Zimbabwe yanga yava nevanhu 132 vabatwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa. Pavanhu ivava, 25 vavo vatopona kuchiti vamwe vana (4) vakafa.
Sen Mutsvangwa vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere yambiro iri kupihwa nenyanzvi dzezveutano mukurwisa kupararira kweCovid-19.
“Hurumende inosimbisisa kuti nyika ino ichiri pakati pekurwisa kupararira kweCovid-19 nekudaro tsamba dzichiri kudiwa kune avo vanoita mabasa akakosha dzekuti vatenderwe kufamba. Pamusoro pezvo, kusapfeka masiki imhosva inoita kuti munhu abhadhariswe faindi kana kunopika jeri,” vanodaro.
Sen Mutsvangwa vanoti mumusangano weCabinet, sachigaro weAd-Hoc Inter-ministerial Task Force on Covid-19, Vice President Kembo Mohadi, vakatura gwaro repasvondo iro rinorondodzera matanho ari kutorwa neZimbabwe mukurwisa kupararira kwecoronavirus.
Vanoti huwandu hwevanhu vakavhenekwa Covid-19 hwakwira kubva pa31 589 musi wa17 Chivabvu kuenda pa38 656 musi waitwa musangano uyu.
“Kusvika pari zvino vanhu vawanikwa vaine Covid-19 vave 132. Huwandu uhu hwakakwira kubva pa56 nemusi wa24 Chivabvu 2020.
“Izvi zvinoreva kuti vanhu 76 vabatwa nehutachiona uhu mukati memazuva maviri. Vakawanda vevakavhenekwa ndokuwanikwa vaine hutachiona uhu vanhu vari kubva kunze kwenyika avo vange vakachengetedzwa kuMasvingo, Beitbridge nemuHarare,” vanodaro Sen Mutsvangwa.
Vanoti Cabinet yakaziviswa kuti zvipatara zvinoti Wilkins Hospital neParirenyatwa Group of Hospitals zvagadzirira kutambira vanenge vachirwara zvakanyanya nedenda iri.
Mater Dei Hospital nezvimwe zvipatara zvose zviri kupamurovhinzi zvagadzirirawo kugamuchira vanorwara zviri pakati nepakati.
Sen Mutsvangwa vanoti kuchengetedzwa kwenzvimbo dziri kugariswa vanhu vari kubva kunze kwenyika nechinangwa chekuona kuti havana Covid-19 here kwawedzerwa kuitira kuti pasawane vanotiza.
Danho iri rinotevera kutiza kwakaita vamwe vanhu vaichengetwa munzvimbo idzi.
“Vakuru vematunhu nevamwe vari kukurudzirwa kumhan’arira vanhu vanozivikanwa kuti vakatiza munzvimbo idzi kana kuti vanenge vapinda munyika muno zvisiri pamutemo,” vanodaro.
Sen Mutsvangwa vanoti dare reCabinet rakakurukurawo pamusoro pemamiriro akaita nyaya dzeupfumi ndokuona kuti hwakanganiswa zvikuru nekuda kweCovid-19 uye upfumi uhu hunotarisirwa kudzikira.
Vanotizve Hurumende iri kutora matanho mukugadzirisa matambudziko ari kusangana nenyika ino munyaya dzeupfumi.
Mumazuva mashoma adarika veruzhinji vanoita sekunge vakanganwa kuti Zimbabwe ichiri mu”lockdown” zvichitevera kuwanda kwavave kuita munzvimbo dzakaita sepakati pemaguta nekungofamba-famba izvo zvange zvisiko kubvira pakatanga kunzi vanhu vagare kudzimba musi wa30 Kurume.




