Zimbabwe

naTapiwa E. S. Makopa

Moyo wangu unorwadza,

Kuti ropa rakadeuka.

Hana yangu inorova ndofunga vana vakapera.

Ndonzwa rangu guru richirira kana ndorangarira.

Hwangu ura hunosimuka kunge ndadya muchetura.

Vhudzi rangu kuti nyau-nyau kusimuka nokutya,

Ndofunga nhoroondo yeyedu Zimbabwe.

Vazhinji vakasimuka neshungu vopinda musango,

Kusiya hama neshamwari vachisvimha misodzi.

Dzimba dzakanaka vakafuratira zvirokwazvo,

Vadiwa vemoyo vakaoneka vopinda muchakasara.

Chinangwa vaida kuti isununguke Zimbabwe,

Hekanhi waro yakasununguka zvirokwazvo.

Zvanga zviri zvikukutu, zvanga zvakaoma.

Vazhinji vakadzoka vava zvirema,

Vamwe dzikava ngano vakasarako.

Vamwe vakarasikirwa nevadiwa vavo.

Misha mizhinji ikava matongo.

Vaifira iyoka yorudadiso Zimbabwe.

18 Kubvumbi wa1980 rumborera rwakadzurwa,

Rwakabviswa rumborera rwenhamo neudzvanyiriri,

Ukabarwa iwe werunako mwanasikana Zimbabwe.

Takakuona kubva uri kasikana kechidiki.

Nhasi wakura tsvarakadenga Zimbabwe,

Makore makumi matatu nematanhatu, wayaruka,

Zvibate chengetedza unhu uchenjere kunyengedzwa.

Pawakazvarwa vakaita besanwa vouya kwauri.

Vakati maisvokwadzo nyemba kutsva dzarungwa,

Kunongera dzaigozonetsa here idzo dzawira mutswanda?

Havasi vose vaimhanyira kuzoita makorokoto.

Vazhinji vaizotarisa zvauri kuti vagokuita mbato.

Ngwarira shiri dzinovaka neminhenga yedzimwe shiri.

Vamwe vachakunyepera kuti vakakusunungura,

Vamwe vachabva mhiri kwemakungwa kuzokuona.

Vachazokunyengedza nezvemhiriyo kunge rudo.

Chavanoda chete hunhu hwako, moyo nerudo.

Kana vatora izvi sare iwe wava zuru rapinda shato.

Chenjera mwanasikana Zimbabwe, ingazova ‘dai ndakaziva.’

Akuruma nzeve ndewako mwachewe,

Akupa damba zemberana naye usamusiya.

Pasi pano pane ndyire mazana akazanirana.

Vanokusukuta vagokuzumbura hunhu, runako nechimiro,

Vagokusiya wave chiseko, honye inosemwa kana nembwa.

Ndinokuda Zimbabwe, ndinokuda mwanasikana.

Nhasi wakura woyevedza Zimbabwe,

Vazhinji vachakunyepera, vazhinji vachakusekerera.

Vakawanda vachakwezvwa nerwako runako.

Asi usavabvumidza kusvitsa mawoko pamapipito ako,

Ungazoyeuka bako mvura yembambara yaperera pamuviri.

Ziva zvaunoda, ziva kwawakananga ZIMBABWE.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×