CECIL JOHN RHODES
UNOZVIZIVA here kuti mupambepfumi Cecil John Rhodes aive chizvarwa cheBritain, asi akazogara munyika yeSouth Africa? Akanga ari mutungamiri kana kuti prime minister wedunhu rakanga rapambwa nevachena reCape kubva muna1890 kusvika muna1896. Akaramba achiwedzera kupamba nyika dzevatema dzakaita seBechuanaland, iyo yave kunzi Botswana, mugore ra1884. Kubva mugore ra1889 maziso ake akatorwa neZimbabwe, iyo yaakatumidzwa zita rekuti Rhodesia. Rhodes akafa muna1902 uye guva rake riri kuMatopo, kuBulawayo.
Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa
Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…




