Zunde raMambo rosimbaradzwa

zunde

Kingstone Mapupu
ISHE Chundu vekudunhu reHurungwe kuMashonaland West vosimbaradza chirongwa cheZunde raMambo  icho chakananga kubatsira mazana nemazana enherera pamwe nemhuri dzinoshaya. VaAbel Mbasera (44), avo vanova Ishe Chundu,  vanoti munda wavari kurima wakakura mahekita gumi nemashanu uyo vanorima chibage chete.

“Nekuona dzimwe mhuri dzinotambura mudunhu mangu nedzimwewo dzimba dzine vakwegura nevanorwara, takavamba chirongwa chemunda uyu umo tinorima chibage izvozvi asi tichawedzerawo kurima dzimwe mbesa,” vakadaro Ishe Chundu.

Minda iyi vanoti vakaipihwa nehurumende kuti vadzinge nzara mudunhu ravo.
“Tinoda kuti minda yedu ikure kusvika kumahekita 30 kana 40 kuti tirime zvinokwanirana vanhu vedu vanoda rubatsiro,” vakadaro.

Mbeu yechibage yavakadyara muminda iyi vakati vakatenga nemari yemuhomwe yavo samambo.
“Ndakatenga mbeu yemhando yeSeed Co  nePioneer iyo yakabereka zvikuru zvekuti tinotarisira matani akawanda  pagoho redu sezvo tichiri kukohwa,” vakadaro.

Vanoti mudunhu ravo vane nherera dzakawanda zvikuru dzinodarika zana uyewo voita chembere neharahwa dzinodarika zana zvakare.
“Tine mhuri dzine vakaremara dzinoda kubatsirwa mune zvose kubvira mukudya, zvekupfeka, magumbeze nezvimwe zvose izvo tinobatsira isu nedzimwe shamwari dzedu,” vakadaro.

Ishe ava vanoti vane matura ezvirimwa izvi pamba pavo izvo zvavanotora chete kana kwauya dambudziko rinoda kuti vanhu vapihwe zvirimwa izvi.

Panyaya yekushanda muminda iyi, vakati zvinoitwa nevanhu vedunhu ravo avo vanoita majana musha nemusha kusvikira vapera vose.
Vanoti vane hurongwa hwekurima zvimwe zvirimwa zvinopa mari zhinji zvakaita sefodya nebhinzi nedonzvo rekuvamba homwe yavo yemari inobatsira vanoshaya mudunhu iri.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×