Muchaneta Chimuka naTatenda Shuro
VERUZHINJI vatambira nemufaro mukuru danho rakatorwa neHurumende rekudzikisa mari dzezvekufambisa idzo dzinobhadharwa kumabhazi eZimbabwe United Passenger Company (Zupco) uyewo nekuwanzwa kuri kuitwa mabhazi aya.
Kutanga nemusi weChipiri svondo rino, Hurumende yakadzikisa mari dzinobhadharwa neveruzhinji pakufamba nemabhazi eZupco mumadhorobha nekumaruwa nechikamu che50 percent.
Izvi zvaona veruzhinji vave kubhadhara RTGS$0,50c parwendo rwakareba makiromita 20 kubva paRTGS$1 iyo yaibhadharwa parwendo nguva yadarika.
Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa nguva pfupi yadarika vakakumikidza mabhazi 39 kubva pa300 pamwe chete ayo Hurumende iri kuunza munyika senzira yekurerutsira veruzhinji kuti vafambe nyore zvichitevera kudhura kuri kuita vemakombi.
Kwayedza inoita hurukuro neveruzhinji zvichitevera danho rakatorwa neHurumende iri.
“Mabhazi adzikira zvikuru saka zvinorerutsa upenyu hwevanhu zvichitevera kudhura kuri kuita zvimwe zvinhu. Tinochema kuti dai mabhazi awedzerwa nekuti kana kuri sekuChitungwiza, inzvimbo yakakura saka tinotarisira kuwana mabhazi 100 kana 150 kuti zvinyatsoita,” anodaro Lazarus Mangezi (33) uyo anova mutyairi.
Anoenderera mberi: “Tinofara kuti vanhu vari kukwira mumabhazi nehuwandu hwavo richizara nenguva diki-diki. KuChitungwiza mabhazi aiita RTGS$1,50 asi iko zvino adzikika kuenda paRTGS$0,75c.”
Mbuya Kagwenda (59) vekuChitungwiza zvakare vanotenda Hurumende nekuunza mabhazi aya.
“Tine mufaro mukuru nekuti vana vedu vanga vava kuchema-chema sezvo makombi ange oita RTGS$5 asi iko zvino nekuda kwekuuya kwemabhazi aya, ave kushaya vanhu nekuti tave kubhadhara RTGS$0,75c. Kudai mabhazi aya achiwedzerwa kuitira kuti tisazonyanya kuamirira,” vanodaro.
VaRabson Mangombe (66) vekuKuwadzana vanoti mabhazi arerutsa upenyu hwavo asi vanokurudzira kuti kudai ava nenguva yekuti vanhu vazive kuamirira pane kuti vazoswera vari mumitsetse.
“Kana mabhazi aya akange ava nenguva dzakatarwa dzekuti anosimuka nguva dzakati nekudzoka, zvinotibatsira kuti tizive nguva dzekunoamirira. Asi kutaura chokwadi, akachipa zvikuru nekuti isu kuKuwadzana tave kushandisa RTGS$0,50 parwendo panzvimbo cheRTGS$2 iyo tange tichibhadhariswa nemakombi,” vanodaro.
VaHarrison Murira (69) veKuwadzana 6 – avo vainge vakamirira bhazi reZupco – vanoti zvino wave mufamba nyore.
“Taisikwira makombi RTGS$2 kana $3 apo mabhazi aiita RTGS $1. Asi nhasi (nemusi weChipiri) Zupco yaderedza kuenda paRTGS$0,50c. Tinoda kuti mabhazi aya ati kurumidzei pakutakura vanhu kuti vasaamirire kwenguva refu nekuti zvinopa mikana yekuti vanhu vazobirwa kana kusvika kumba husiku senguva dzino apo magetsi ari kungoenda,” vanodaro.
Kuchiti Mai Rumbidzai Dzovani (59) vekuDzivasarekwa vanoti vanofara zvikuru nedanho rakatorwa neHurumende nekuti vakanga vachitorerwa mari yakawanda nevemakombi.
“Takanga tava kutozeza kupinda muguta reHarare nekuda kwekudhura kwemakombi. Asi iko zvino neRTGS$0,50c chete, tatovawo nebhajeti yedu nekuti vemakombi vaingoerekana vakwidza pane ipi zvayo nguva. Kunyangwe vana vechikoro varerukirwa zvikuru,” vanodaro.
Kwayedza payakatenderera muguta reHarare pazviteshi zvemabhazi yakaona vanhu vakaita mutsetse vakamirira mabhazi eZupco.
Zvichakadai, svondo rino Zupco yakatangisa chirongwa chekuti vanofamba nemabhazi ayo vabhadhare zviri nyore kuburikidza nemakadhi nenzira ye”electronic ticketing system” zvichitevera kunetsa kuri kuita kuwana mari yemusvo.
Pasi pechirongwa ichi, vanhu vanoisa mari yavo inotangira pa$5 zvichikwira mumakadhi aya, ayo vanozoshandisa pakubhadhara kana vave kufamba nemabhazi eZupco.
Chamangwiza weZupco, VaEvaristo Madangwa vanoti chirongwa chekuti vafambi vabhadhare vachishandisa makadhi chiri kufamba zvakanaka.
“Nhasi izuva redu rechipiri (nemusi weChipiri) uye hatisati tasangana nematambudziko pakushandiswa kwemakadhi aya,” vanodaro.




