Talent Chimutambgi
HURUMENDE — ichishanda pamwe chete neZimbabwe Catholic Bishops Conference (ZCBC) – yakaburitsa magwaro ebumbiro remutemo weZimbabwe ayo akanyorwa nemitauro 15 inoshandiswa munyika muno senzira yekuti veruzhinji vange vaine ruzivo pamusoro pekodzero dzavo dziri mubumbiro iri.
Bumbiro remutemo weZimbabwe, iro rakatanga kushanda mugore ra2013, range rakanyorwa nechiRungu, Shona neNdebele asi ZCBC yakaisa bumbiro iri mumitauro mimwe 12 kuitira kuti veruzhinji vange vachiriverenga vachishandisa mitauro yavo.
Mitauro 12 iyi ndeinoti Sotho, Chewa, Nambya, Shangani, Venda, Tonga, Tswana, Ndau, Chibarwe, Xhosa, Koisan neKalanga.
Vachitaura nemusi weMuvhuro svondo rino pakuparurwa kwechirongwa chekuzivisa veruzhinji nezvebumbiro remutemo, gurukota rezvemutemo nenyaya dzeParamende, Cde Ziyambi Ziyambi, vanoti kunyorwa kwebumbiro remutemo wenyika nemitauro yakawanda kuchaita kuti veruzhinji vave neruzivo rwakadzama pamusoro pekodzero dzavo.
“Zvakaonekwa kuti vanhu vakazvimirira vange vachiziva nezvekodzero dzavo uye nekuti bumbiro remutemo iri ringe richizadzikisa chinangwa charo, rinofanirwa kunyorwa nemitauro yose inoshandiswa munyika kuitira kuti vanhu vazive nezvekodzero dzavo uye kuti dzinozadzikiswa sei,” vanodaro.
Vanoti bumbiro remutemo wenyika raiveko kare, re1979 Lancaster House Constitution, harina kumbobvira ranyorwa richiiswa mumitauro inoshandiswa neveruzhinji.
Vachitaurawo pachiitiko chimwechete ichi, Father Edward Ndete — avo vanova coordinator wekomiti yeNational Constitution and Translation Committee iyo iri kuona nezvekuiswa kwebumbiro remutemo mumitauro yakawanda — vanoti rinofanirwa kudzidziswa nezvaro muzvikoro.
“Bumbiro remutemo iri rinofanirwa kudzidziswa muzvikoro kuitira kuti rizivikanwe nemumhu wose ari munharaunda. Masangano enhau ane basa guru mukushambadza kune veruzhinji pamusoro pebumbiro iri,” vanodaro.




