‘Koshesai zvidzidzo zvemabasa emawoko’

Daphne Machiri
ZVIKORO nemayunivhesiti zviri kukurudzirwa kuti zvikoshese zvidzidzo zvemabasa emawoko zvakaita sekudhirowa nekuveza sezvo vadzidzi vachikwanisa kuwana raramo kubva mazviri mune remangwana. Kurudziro iyi yakaitwa naMuzvinhafundo Biggie Samwanda, avo vanove Deputy Dean kuchikamu cheFaculty of Science, Creative Art and Design paChinhoyi University of Technology (CUT), svondo rapera.

Vakataura mashoko aya pakuparurwa kwezviratidzwa zvezvivezwa, zvinyorwa, mifananidzo yakadhirowewa pasi pechirongwa cheMya Dream Sails Art Exhibition chemudzidzi wepayunivhesiti iyi, Prince Mandemwa.

Chirongwa ichi chakatsigirwa nekambani yeFirst Pack uyewo vana vepaHatifield Girls High neBudiriro 2 High, muHarare, vaivapowo pachiitiko ichi vachiona mabasa emawoko aMandemwa.

Muzvinhafundo Samwanda vakakurudzira vadzidzi pamwe nevabereki kuti vasatarisire zvidzidzo zvemabasa emawoko pasi.
“Ndinokurudzira vabereki nevana vechikoro, zvikoro zvepuraimari, sekondari nemayunivhesiti kuti vakoshese zvidzidzo zvemabasa emawoko. Hazvizi zvemarombe kwete, ndezvemabasa emawoko anopa chouviri mukurarama,” vakadaro.

“Zvakare kusimudzirwa kwezvidzidzo izvi hazvipereri mukudhirowa chete asi kuti mifananidzo ine zvainodudzira nekudzidzisawo zvakaita senyaya dzezveutano nezvimwe.”

Vanoti yunivhesiti yavo ine tarisiro yekuvamba chimwe chidzidzo temu inotevera cheMulti Media Design and Visual Arts nedonzvo rekusimudzira indasitiri yemafirimu, kunyanya avo vane matarenda munyaya dzemadhirama.

Mandemwa anoti chishuviro chake ndechekuti awane raramo mune remangwana kuburikidza nemabasa emawoko.
“Iyi ipurojekiti yekuchikoro asi ndave kukwanisa kutoshandisa chipo changu.

“Ndakashanda pakambani yeFirst Pack ndichiita Creative Art and Design uye ndiri kutarisira kuramba ndichienderera mberi nebasa rangu iri.
“Ndinokurudzira vadzidzi kuti vakoshese chidzidzo ichi sezvo vachigona kuwana pundutso kubva machiri mune remangwana,” akadaro Mandemwa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×