Zvatinoda kuziva

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rapfuura ndakatsanangura pakuru zvinhu zvatinofanira kunge tichiita muchikamu chino mugore ra2020.

Zvino mubvunzo unobva wapinda mupfungwa dzemudzidzi ane shungu ndewekuti zvii zvinoda kuti zvinge zvichiitwa mugore ra2020 muchikamu chino?

Ichokwadi, zvakawanda kwazvo zvinoda kuitwa muchikamu chino mugore ra2020 uye iwe neni tine basa rekuona kuti zvinhu izvi zvazadzikiswa uye zvabatsira isu sevadzidzi.

Chikamu chemutauro weChiShona chine zvidzidzo zvakawanda chaizvo zvinosanganisira mapepa maviri anoti bepa rekutanga reRondedzero neNzwisiso uye bepa repiri rine Zvirungamutauro, Misambo yemutauro neMutauro wacho.

Kubepa rekutanga tinodzidza manyorerwo erondedzero dzemhando dzakaisyana dzakaita serondedzero yetsumo, rondedzero yemagirafu, rondedzero yemipikicha, rondedzero yematebhuru, rondedzero yetsamba kushamwari, rondedzero yetsamba yekutsvaga basa, rondedzero yekunyora mhan’aro, rondedzero yenhaurwa, yehurukuro nedzimwewo.

Kune zvakare zvidzidzo zvinonangana nenzwisiso.

Nzwisiso inouya iri pamhando yenyaya, mupikicha kana tebhuru.

Chikuru apa ndechekunzwisisa zvaunenge uchidiwa kunzi uite usati watanga kupa mhinduro.

Muchikamu chimwe chete ichochi munowanikwawo mubvunzo unonangana nepfupiso.

Apa unofanira kupfupikisa nyaya yaunenge waverenga kana kupa pfupiso yegirafu, pikicha kana tebhuru inenge yapihwa.

Mune rimwe bepa rechipiri munowanikwa zvidzidzo zvezvirungamutauro zvakaita sekududzira tsumo, kunyora tsumo dzinoreva zvakafanana, tsumo dzinopikisana, tsumo dzinotaura pamusoro pemhuka, kunyora zvinoreva tsumo, kushandisa nyaudzosingwi zvakakodzera mumitsara, nekududzira zvinoreva madimikira.

Kubepa repiri tinodzidzawo mhando dzemisambo yemutauro dzakasiyana-siyana dzakaita sechisahwira/chishamwari, chiroora, chizukuru, chiramu, chicheche, musambo weindavhiyu nemimwewo mizhinji.

Kumutauro tinodzidza zvese zviri maererano nemaumbirwo emutauro kubva kumipanda, mazita, zvipauro nezvimwewo zvakawanda-wanda.

Sezvandakareva, munofanira kuve nebepanhau rino svondo rega rega nekuti svondo rinouya ndipo patichatanga kuburitsa zvidzidzo zvakasiyana-siyana zvemutauro weChiShona.

Tichange tichibata nzvimbo dzakasiyana kwete nemurongo wadzo.

Chikuru chatichaita kuona kuti nzvimbo imwe neimwe yawana zvidzidzo zvinoenderana kusvika panozopera gore.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×