‘Zvava kutoda vanozvigona’

Munyori weKwayedza —
MUKURU wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti mhuri yekuOld Tafara, muHarare, iyo ine mukadzi anotorerwa chikafu nezvinhu zvaasingaone, inoda kubatsirwa.

“Mhuri iyi inofanirwa kushandirwa yose pasina anosara nekuti pane mhiko dzakaipa dzakaiswa pamusha apa izvo zvinogona kunge zvakasiiwa nababa vayo vakange vakaromba,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaPatrick Kapfunde kana kuti Sekuru Bhaureni (41) vekuMt Darwin vachiti Mai Noah nemhuri yavo vanogona kunge vachishandiswa nezvikwambo.

“Dambudziko remhuri iyi rekuti amai vanotorerwa kudya mudumbu nekuitawo weti yechikafu vachiona varoyi masikati machena, uku mwana achigara akazvivharira mumba, zvinoda kuti vabatsirwe nevanogona.”

Madzibaba Enock vechechi yeJohane Masowe Nguwo Tsvuku Nyenyedzi Nomwe vekuBudiriro 4, muHarare, vanotiwo mhuri iyi inoda kushandirwa nenguva.

“Nyaya dzakadai hadzidi kuvarairwa, dzinoda kuti vanhu ava vabatsirwe nenguva uye nevanogona,” vanodari Madzibaba Enock.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×